Vatongi 12:5-6
Vatongi 12:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo vaGireadhi vakandogarira mazambuko aJorodhani paiyambukira vaEfuremu. Zvino kana mumwe wavakatiza kuna Efuremu akati, “Nditenderei kuti ndiyambuke,” varume veGireadhi ndokuti kwaari, “Uri muEfuremu here?” Kana akati, “Kwete,” ipapo vakati kwaari, “Zvino chiti, ‘Shibhoreti;’ iye ndokuti, ‘Sibhoreti,’ nokusagona kureva kwazvo;” ipapo vakamubata, vakamuuraya pamazambuko aJorodhani; nenguva iyo vaEfuremu vane zviuru zvina makumi mana nezviviri vakaurawa.
Vatongi 12:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
VaGireadhi vakatora mazambuko eJorodhani aienda kuEfuremu, uye upi noupi wavakasara veEfuremu aiti akati, “Regai hangu ndiyambukire mhiri,” varume veGireadhi vaimubvunza vachiti, “Uri muEfuremu here?” Kana akapindura achiti, “Kwete,” vaiti, “Zvakanaka, iti, ‘Shibhoreti.’ ” Kana akati, “Sibhoreti” nokuda kwokuti akanga asingagoni kureva shoko iro zvakanaka, vaimubata vomuuraya pamazambuko eJorodhani. Zviuru makumi mana nezviviri zvavaEfuremu zvakaurayiwa panguva iyoyo.
Vatongi 12:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VokuGireadhi vakandomira kumazambuko aJorodhani okuenda kwaEfuraimu. Munhu wokwaEfuraimu ainge apunyuka muhondo akati, “Ndingayambukewo here?” Vanhu vokuGireadhi vaimuti, “Uri wedzinza rokwaEfuraimu here?” Kana aipindura achiti, “Kwete.” Ivo vaimuti iti, “Shibhoreti.” Iye aikanganisa kuritaura oti, “Sibhoreti” achitadza kuridudza, vaibva vamubata, vomuuraya pazambuko pakarepo. Zviuru makumi mana nezviviri zvekwaEfuraimu zvakaurayiwa nguva iyoyo.
Vatongi 12:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ʋaGireadi ʋakandogarira mazambuko aJoridani paiyambukira ʋaEfraimi. Ɀino kana mumŋe waʋakatiza kunaEfraimi akati: Nditenderei kuti ndiyambuke, ʋarume ʋeGireadi ndokuti kwaari: Uri muEfraimi here? Kana akati, kwete, ipapo ʋakati kwaari: Ɀino citi: Shiboreti; iye ndokuti: Siboreti, nokusagona kureʋa kwaɀo; ipapo ʋakamuɓata, ʋakamuʋuraya pamazambuko aJoridani; neŋguʋa iyo ʋaEfraimi ʋaneɀuru ɀinamakumi manna neɀiʋiri ʋakaʋurawa.
Vatongi 12:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)