Vatongi 6:11
Vatongi 6:11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mutumwa waJehovha akauya akagara pasi pomuouki muOfira raJoashi muAbhiezeri, paipurwa gorosi naGidheoni mwanakomana wake muchisviniro chewaini, kuti aivanze kubva kuvaMidhiani.
Vatongi 6:11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mutumwa waJehovha wakasvika, akagara pasi pomuouki wakanga uri paOfura, waiva waJoashi, muAbhiezeri; Gidheoni mwanakomana wake, wakanga achipura zviyo pachisviniro chewaini, kuti azvivanze nokuda kwavaMidhiani.
Vatongi 6:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mutumwa waTenzi akauya akagara pasi pomuoku wokuOfura wokwaJoashi muAbhieziri. Ipapo Gidheoni mwanakomana wake aingunopurira koroni muchisviniro chewaini achiihwandisa kuvaMidhiani.
Vatongi 6:11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mutumŋa waJehova wakaȿika, akagara pasi pomuouki wakaŋga uri paOfra, waiʋa waJoashi, muAbiezeri; Gideoni mŋanakomana wake, wakaŋga acipura ɀiyo paciȿiniro cewaini, kuti aɀiʋanze nokuɗa kwaʋaMidiani.