Jeremia 18:7-8
Jeremia 18:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana ndikazivisa panguva ipi zvayo kuti rudzi kana ushe zvidzurwe nokubvarurwa uye zviparadzwe, uye kana rudzi urwo rwandakayambira rukatendeuka pane zvakaipa zvarwo, ipapo ndichazvidemba ndigorega kuisa pamusoro pavo njodzi yandakanga ndavarongera.
Jeremia 18:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva yandichataura pamusoro porudzi rwavanhu, napamusoro poushe, kuti ndicharudzura, nokuruputsa, nokuruparadza; kana rudzi urwo, rwandakataura zvinhu izvi pamusoro parwo, rukazvidzora pazvakaipa zvarwo, ini ndichazvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakafunga kuvaitira.
Jeremia 18:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nguva yose yandinenge ndataura chinhu ndakananga rudzi rwavanhu, kana nyika kuti ndichaidzipura kana kuipaza kana kuiparadza uye kana rudzi rwavanhu ivavo rune zvandinenge ndataura zvacho rukapinduka pakuipa kwarwo neniwo ndinobva ndaregawo kuita zvakaipa zvandinenge ndambofunga kuti ndiite kwarwuri.
Jeremia 18:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa yandicataura pamsoro porudzi rwaʋanhu, napamsoro poʋushe, kuti ndicarudzura, nokuruputsa, nokuruparadza; kana rudzi urwo, rwandakataura ɀinhu iɀi pamsoro parwo, rukaɀidzora paɀakaipa ɀarwo, ini ndicaɀiɗemba pamsoro peɀakaipa ɀandakafuŋga kuʋaitira.
Jeremia 18:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)