Jeremia 21:8-9
Jeremia 21:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvakare, uti kuvanhu, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai, ndiri kuisa pamberi penyu nzira youpenyu neyorufu. Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana nedenda. Asi ani naani achabuda akandozvipira kuvaBhabhironi vakakukombai achararama; achatiza noupenyu hwake.
Jeremia 21:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iwe uti kuvanhu ava, “Zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinoisa pamberi penyu nzira yohupenyu nenzira yorufu.’ “Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo nenzara nehosha; asi ani naani unobuda akaenda kuvaKaradhea vanokukombai, iye uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chaakapamba.
Jeremia 21:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuvanhu ivava ava enda undoti, “Zvanzi naTenzi, chinzwai, ndaisa pamberi penyu, uku nzira yokuupenyu uku nzira yokurufu. Anenge agara muguta rino achafa nebakatwa neshangwa yenzara nedenda. Asi anenge abuda kundozviisa mumaoko avaKaridhea vakakukombai achararama uye upenyu hwake ndohwaachawana somubayiro wehondo
Jeremia 21:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iwe uti kuʋanhu aʋa: Ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinoisa pamberi penyu nzira yoʋupenyu nenzira yorufu. Aninani unorambira muguta rino ucaʋurawa nomunondo nenzara nehosha; asi aninani unoɓuɗa akaenda kuʋaKardea ʋanokukombai, iye ucararama, ʋupenyu bgake ʋucaʋa kwaari cinhu caakapamba.
Jeremia 21:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)