Jeremia 44:16-17
Jeremia 44:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Hatingateereri shoko rawataura kwatiri muzita raJehovha! Zvirokwazvo tichaita zvinhu zvose zvatakati tichaita. Tichapisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga nokumudururira zvipiriso zvokunwa sezvatakaita isu namadzibaba edu, namadzimambo edu uye namachinda edu mumaguta eJudha nomunzira dzomuJerusarema. Panguva iyoyo takanga tine zvokudya zvizhinji uye takanga tigere zvakanaka tisina zvaitirwadza.
Jeremia 44:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Kana riri shoko rawakatiudza nezita raJehovha, hatingakutereri. Asi zvirokwazvo tichaita shoko rimwe nerimwe rakabuda mumiromo yedu, tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, sezvatakaita isu namadzibaba edu namadzimambo edu namachinda edu, pamaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; nokuti nenguva iyo taiva nezvokudya zvizhinji, taifara pamuviri, tikasaona njodzi.
Jeremia 44:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Maererano neshoko raTenzi rawatitaurira, hatisiri kuzombokuteerera. Asi tichaita zvose zvatakatsidza kuita zvokupisira rusenzi kune hosi yedenga tichiipira mupiro wokuteura sezvatakaita isu namadzitateguru edu namadzimambo edu, uye namachinda edu mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu, nokuti panguva iyoyo taiva nezvokudya zvakawanda tichibudirira tisingawani njodzi.
Jeremia 44:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana riri shoko rawakatiʋudza nezita raJehova, hatiŋgakutereri. Asi ɀirokwaɀo ticaita shoko rimŋe nerimŋe rakaɓuɗa mumiromo yeɗu, ticapisira ʋahosi ʋokuɗeŋga ɀinonhuwira, nokuʋaɗururira ɀipiriso ɀinoɗururwa, seɀatakaita isu namadziɓaɓa eɗu namadzimambo eɗu namacinda eɗu, pamaguta aJuda nomunzira dzomuJerusarema; nokuti neŋguʋa iyo taiʋa neɀokudya ɀizhinji, taifara pamuʋiri, tikasaʋona njodzi.
Jeremia 44:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)