Jeremia 44:23
Jeremia 44:23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuda kwokuti makapisira zvinonhuhwira uye makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera kana kutevera murayiro wake kana zvirevo zvake kana zvaakatema, njodzi iyi yaiswa pamusoro penyu sezvamunoona zvino.”
Jeremia 44:23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvamakapisa zvinonhuwira, zvamakatadzira Jehovha, mukasaterera inzwi raJehovha, mukasafamba nomurayiro wake, kana nezvirevo zvake, kana nezvaakapupura, naizvozvo zvakaipa izvi zvakakuwirai, sezvakakuwirai, sezvazvakaita zuva ranhasi.”
Jeremia 44:23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chikonzero ndechokuti makapisa rusenzi uye makatadzira Tenzi pamakarega kuteerera izwi raTenzi nokuchengeta mutemo wake nezvakatemwa nezvakapupurwa, ndizvo zvakonzera kuti muwirwe nezvakaipa sezvazviri nhasi uno.”
Jeremia 44:23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀamakapisa ɀinonhuwira, ɀamakatadzira Jehova, mukasaterera inzwi raJehova, mukasafamba nomurairo wake, kana neɀireʋo ɀake, kana neɀaakapupura, naiɀoɀo ɀakaipa iɀi ɀakakuwirai, seɀaɀakaita zuʋa ranhasi.
Jeremia 44:23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)