Jeremia 50:6
Jeremia 50:6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Vanhu vangu vanga vari makwai akarasika; vafudzi vavo vakavatsausa, uye vakavaita kuti vadzungaire pamusoro pamakomo. Vakadzungaira pamusoro pamakomo nezvikomo, ndokukanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 50Jeremia 50:6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Vanhu vangu akanga ari makwai akarashika, vafudzi vavo vakavarashisa, vakavatsausira kumakomo, vakafamba vachibva kumakomo vachienda kuzvikomo, vakakanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 50Jeremia 50:6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Vanhu vangu vava hwai dzakarasika, vafudzi vadzo vakadzitungamirira mumutome zvamo vakadzisairira mumakomo. Dzava kumbeya namakomo nomuzvikomo dzakanganwa, uye dzisisazivi danga radzo.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 50