Jeremia 6:19 - Enzanisa Shanduro Dzose
Jeremia 6:19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Inzwa, iwe nyika: Ndiri kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu ava, icho chibereko chendangariro dzavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu, uye vakaramba murayiro wangu.
Jeremia 6:19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Inzwa, “Iwe nyika, tarira, ndini ndinouyisira vanhu ava zvakaipa, izvo zvibereko zvemifungo yavo, nokuti havana kuterera mashoko angu; kana uri murayiro wangu, vakauramba.
Jeremia 6:19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Inzwa, iwe nyika, tarira, ndini ndinoʋuyisira ʋanhu aʋa ɀakaipa, iɀo ɀiɓereko ɀemifuŋgo yaʋo, nokuti haʋana‐kuterera mashoko aŋgu; kana uri murairo waŋgu, ʋakauramba.
Jeremia 6:19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iwe nyika, teerera unzwe! Tarisa uone, nhamo dzandava kuuyisa pavanhu ava zvibereko zvetwavanoita, nokuti vakarega kuteerera shoko rangu. Mutemo wangu vakauramba.
Jeremia 6:19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Iwe nyika, teerera unzwe! Tarisa uone, nhamo dzandava kuuyisa pavanhu ava zvibereko zvetwavanoita, nokuti vakarega kuteerera shoko rangu. Mutemo wangu vakauramba.