Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 12:20-50

Johani 12:20-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino kwakanga kuna vamwe vaGiriki pakati paavo vakanga vakwidza kuMutambo kundonamata. Vakauya kuna Firipi, uyo akanga achibva kuBhetisaidha muGarirea, vaine chikumbiro. Vakati, “Ishe, tinoda kuona Jesu.” Firipi akaenda kundoudza Andirea; Andirea naFiripi vakazoudzawo Jesu. Jesu akapindura akati, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana woMunhu akudzwe. Ndinokuudzai chokwadi, kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu ikafa, inongoramba ichingova yoga. Asi kana ikafa, inobereka mbeu dzakawanda. Munhu anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi munhu anovenga upenyu hwake munyika ino achahuchengetera upenyu husingaperi. Ani naani anondishandira anofanira kunditevera; uye pandinenge ndiri, muranda wangu achavapowo ipapo. Baba vangu vachakudza munhu uyo anondishandira. “Zvino mwoyo wangu uri kurwadziwa, uye ndichati kudiniko? ‘Baba, ndiponesei kubva panguva ino?’ Kwete, ndizvo zvandakauyira panguva ino. Baba, kudzai zita renyu!” Ipapo inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndatorikudza, uye ndicharikudzazve.” Vanhu vazhinji vaivapo uye vakarinzwa vakati kwatinhira; vamwe vakati mutumwa ataura kwaari. Jesu akati, “Inzwi iri harina kuuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu. Zvino ndiyo nguva yokutongwa kwenyika ino; zvino muchinda wenyika ino achadzingwa. Asi ini, pandinenge ndasimudzwa kubva panyika ino, ndichakwevera vanhu vose kwandiri.” Akareva izvi kuti aratidze mafiro aaizoita. Vanhu vazhinji vakati, “Isu takanzwa kubva paMurayiro kuti Kristu achagara nokusingaperi, saka sei muchiti, ‘Mwanakomana anofanira kusimudzwa’? Ndianiko uyu ‘Mwanakomana woMunhu’?” Ipapo Jesu akati kwavari, “Muchava nechiedza kwechinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, rima risati rasvika. Munhu anofamba murima haazivi kwaanoenda. Vimbai nechiedza muchinacho, kuti mugova vanakomana vechiedza.” Akati apedza kutaura zvinhu izvi, Jesu akabvapo akazvivanza kwavari. Kunyange zvazvo Jesu akaita zviratidzo zvose izvi pamberi pavo, havana kutongomutenda. Uku kwaiva kuzadziswa kweshoko raIsaya muprofita raakareva achiti: “Ishe, ndianiko akatenda shoko redu, uye ruoko rwaShe rwakaratidzwa kuna aniko?” Nokuda kwaizvozvo havana kugona kutenda nokuti, pane imwe nzvimbo, Isaya anoti: “Akapofumadza meso avo uye akaomesa mwoyo yavo, kuti varege kuona nameso avo, varege kunzwisisa nemwoyo yavo, varege kudzoka ndigovaporesa.” Isaya akataura izvi nokuti akaona kubwinya kwaJesu uye akataura nezvake. Asi nenguva imwe cheteyo kunyange vazhinji pakati pavatungamiri vakamutenda. Asi nokuda kwavaFarisi, havana kupupura kutenda kwavo nokuti vaitya kudzingwa musinagoge; nokuti vaida kukudzwa kunobva kuvanhu kupfuura kukudzwa kunobva kuna Mwari. Ipapo Jesu akadanidzira akati, “Munhu anenge achitenda kwandiri, haatendi kwandiri bedzi, asiwo nokuna iye akandituma. Paanonditarisa, anoona iye akandituma. Ndakauya panyika sechiedza, kuti kurege kuva nomunhu anotenda mandiri angagara murima. “Kana pane munhu zvake anonzwa mashoko angu, asi akasaachengeta, ini handimutongi. Nokuti handina kuuya kuzotonga nyika, asi kuzoiponesa. Pano mutongi achatonga munhu anondiramba uye asingagamuchiri mashoko angu; shoko riya chairo randakataura ndiro richamutonga pazuva rokupedzisira. Nokuti handina kungozvipupurira pachangu, asi Baba vakandituma ndivo vakandirayira zvokutaura namatauriro acho. Ndinoziva kuti murayiro wavo unotungamirira kuupenyu husingaperi. Saka zvose zvandinoreva ndizvo chaizvo zvandakanzi nditaure naBaba.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 12

Johani 12:20-50 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino kwaiva navamwe vaGiriki pakati pavakanga vakwira kumutambo kundonamatako; ivo vakauya kuna Firipi weBhetisaidha reGariria, vakakumbira kwaari, vachiti, “Ishe, tinoda kuona Jesu.” Firipi akaenda, akandoudza Andireya; Andireya akaenda naFiripi, vakandoudza Jesu. Jesu akavapindura, akati, “Nguva yasvika, kuti Mwanakomana womunhu akudzwe. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana tsanga yezviyo ikasawira muvhu, ikafa, ichagara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zvizhinji. Anoda upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; noanovenga upenyu hwake panyika ino, achahuchengeta kuupenyu husingaperi. Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri, nomuranda wangu achavapowo. Kana munhu achindishumira, baba vachamukudza. “Zvino mweya wangu unomanikidzwa; ndichatiiko? Baba ndiponesei panguva ino. Asi ndizvo zvandauyira panguva ino. Baba, kudzai zita renyu.” Ipapo izwi rakauya, richibva kudenga, richiti, “Ndatorikudza, ndicharikudzazve.” Zvino vanhu vazhinji, vakanga vamirepo, vachizvinzwa, vakati, “Kwatinhira.” Vamwe vakati, “Mutumwa ataura naye.” Jesu akapindura, akati, “Izwi iri harina kuuya nokuda kwangu asi nokuda kwenyu. Zvino kutongwa kwenyika ino kwavapo, zvino muchinda wenyika ino achadzingwa. Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.” Wakareva izvozvi, achiratidza kufa, kwaaizofa nako. Zvino vanhu vazhinji vakamupindura, vakati, “Isu takanzwa pamurayiro kuti Kristu uchagara aokusingaperi; zvino moreva seiko imi, kuti Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwa? Uyu Mwanakomana womunhu ndianiko?” Ipapo Jesu akati kwavari, “Chiedza chichipo pakati penyu chinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, kuti murege kukundwa nerima; anofamba murima haazivi kwaanoenda. “Muchine chiedza, tendai kuchiedza, mugoitwa vana vechiedza.” Jesu akareva izvozvi, akabva, akazvivanza kwavari. Zvino kunyange akanga aita zviratidzo zvizhinji zvakadaro pamberi pavo, havana kutenda kwaari; kuti shoko romuporofita Isaya riitike, raakareva, achiti, “Ishe, ndianiko akatenda chavakanzwa kwatiri? Noruoko rwaIshe rwakaratidzwa kuna aniko?” Saka vakanga vasingagoni kutenda, nokuti Isaya akatizve, “Akapofumadza meso avo, akaomesa mwoyo yavo; Kuti varege kuona nameso avo, nokunzwisisa nemwoyo yavo, Vadzoke Ndivaporese.” Isaya akareva izvozvi, nokuti akaona kubwinya kwake; akamureva iye. Asi kunyange zvakadaro vazhinji vavabati vakatenda kwaari; asi vakanga vasingamureururi nokuda kwavaFarisi, kuti varege kubudiswa musinagoge; nokuti vakanga vachida kukudzwa navanhu kupfuura kukudzwa naMwari. Zvino Jesu akadana, akati, “Anotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kune akandituma. Anondiona, anoona akandituma. Ini ndakauya munyika, ndiri chiedza, kuti ani naani anotenda kwandiri arege kugara murima. Kana munhu achinzwa mashoko angu, akasaachengeta, handimutongi ini, nokuti handina kuuya kuzotonga nyika, asi kuti ndiponese nyika. Anondiramba, asingagamuchiri mashoko angu, anomumwe, anomutonga; shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rokupedzisira. “Nokuti handina kureva pachangu, asi baba, vakandituma, ndivo vakandipa murayiro, zvandichareva nezvandichataura. Ndinoziva kuti murayiro wavo ndihwo upenyu husingaperi; naizvozvi zvandinotaura, ndinotaura sezvandakaudzwa nababa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 12

Johani 12:20-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pakati pevanhu vakaenda kundonamata kuzuva guru paiva navamwe vaGiriki. Ivava vakaenda kuna Firipi aibva kuBhetisaidha muGarirea vakati kwaari, “Changamire tinodawo kuona Jesu.” Firipi akaenda akandotaurira Andireya. Andireya akaenda naFiripi vakandoudza Jesu. Jesu akavapindura achiti, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana womunhu zvino achiwana mukurumbira. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri kusatoti tsanga yekoroni yawira muvhu ikafa inoramba ichingova yoga asi ikafa inobereka muchero wakawanda. Anoda upenyu hwake anorasikirwa naho, asi uyo anovenga upenyu hwake pasi pano anohuchengeta kusvikira kuhupenyu husingaperi. Anoda kundishandira, anofanira kunditevera, kwandinenge ndiri, mushandi wangu ndokwaanofanirawo kuva. Munhu akandishandira, Baba vachamukudza. “Iye zvino ndiri kushushikana mumwoyo Ndoti kudiiko? Baba ndipunyutseiwo kunguva iyi asi aiwa, inga zvenguva iyi ndizvo zvandakavinga wani. Baba rumbidzai zita renyu.” Ipapo izwi rakabva kudenga richiti, “Ndakarirumbidza uye ndicharirumbidzazve.” Chikwata chavanhu chakanga chiripo chakazvinzwa. Vakati, “Kwatinhira,” vamwewo vakati, “Mutumwa waMwari ataura kwaari.” Jesu akapindura achiti, “Izwi iri rauyira imi kwete ini.” Zvino kutongwa kwapasi pano kwasvika. Zvino mutongi wapasi pano ava kudzingirwa kunze. Iniwo kana ndarembedzwa pamusoro payo nyika, ndichakwezvera vanhu vose kwandiri. Akataura izvi achiratidza rufu rwaaizofa narwo. Gungano rakamupindura richiti, “Isu takanzwa muMutemo kuti Mesia achagara nokusingaperi. Ko zvino ungati sei Mwanakomana womunhu anofanira kuti asimudzwe. Ndianiko Mwanakomana womunhu iyeyo?” Jesu akavati, “Mwenje uchinemi kwechinguvana fambai muchine mwenje iwoyo kudai, mungadaro mukawirwa nerima. Anofamba murima haazivi kwaanoenda. Muchine mwenje kudai tendai mumwenje kuti muve vana vechiedza.” Jesu paakapedza kutaura izvi akabva akandozvivanza kwavari. Kunyange zvazvo akaita zviratidzo zvizhinji pamberi pavo asi havana kutenda maari. Zvakaitika kuti zvakataurwa nomuporofita Isaya zvizadziswe zvokuti, “Tenzi ndiani akatenda zvatakataura simba raMwari rakaratidzwa kunaani?” Naizvozvo havana kugona kutenda nokuti Isaya anotizve, “Akavapofomadza maziso akavagomadza mwoyo kuti zvimwe vangadaro vakaona namaziso avo vakanzwisisa nemwoyo yavo vakapindukira kwandiri ndikavaporesa.” Isaya akataura izvi nokuti akaona mbiri yake akataura nezvake. Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji, kunyange vakuru vakuru vakadavira maari. Asi pamusana pokutya vaFarisei havana kugona kuzvidura pachena kuri kutya kuti vangadzingwe muSinagogu. Chikonzero chacho chaiva chokuti vaida kurumbidzwa navanhu kupinda kurumbidzwa naMwari. Jesu akadaidzira achiti, “Anodavira mandiri haadaviri mandiri asi muna iye akandituma. Uyo anondiona anoona iye akandituma. Ndakauya sechiedza pasi pano kuti ani naani anotenda mandiri arege kugara murima. Ani naaniwo anonzwa zvandinotaura asingazvichengete handimupi mhosva nokuti handina kuuya kuzopa pasi mhosva asi kuzoponesa pasi. Anondiramba uye asingagamuchiri zvandinotaura ane anomutonga. Zvandakataura izvozvo ndizvo zvichamutonga pazuva remhedziso. Nokuti handina kutaura zvomusoro wangu. Baba vakandituma ndivo vakanditemera zvandinofanira kutaura nezvandinofanira kureva. Ndinozivawo kuti mutemo wavo ndiwo upenyu husingaperi, saka zvandinotaura, ndinotaura sokuudzwa kwandakaitwa naBaba.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 12

Johani 12:20-50 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino kwaiʋa naʋamŋe ʋaGiriki pakati paʋakaŋga ʋakwira kumutambo kundonamata’ko; iʋo ʋakaʋuya kunaFiripo weBetsaida reGarirea, ʋakakumbira kwaari, ʋaciti: Ishe, tinoɗa kuʋona Jesu. Firipo akaenda, akandoʋudza Andreasi; Andreasi akaenda naFiripo, ʋakandoʋudza Jesu. Jesu akaʋapindura, akati: Ŋguʋa yaȿika, kuti Mŋanakomana womunhu akudzwe. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana tsaŋga yeɀiyo ikasawira muvu, ikafa, icagara iri yoga; asi kana ikafa, inoɓereka ɀiɓereko ɀizhinji. Unoɗa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; nounoʋeŋga ʋupenyu bgake panyika ino, ucabguceŋgeta kuʋupenyu bgusiŋgaperi. Kana munhu acindishumira, ŋgaanditeʋere; napandineŋge ndiri, nomuranda waŋgu ucaʋa’po ʋo. Kana munhu acindishumira, Ƃaɓa ʋacamukudza. Ɀino mŋeya waŋgu unomanikidzwa; ndicatiyiko? Ƃaɓa ndiponesei paŋguʋa ino. Asi ndiɀo ɀandaʋuyira paŋguʋa ino. Ƃaɓa, kudzai zita renyu. Ipapo inzwi rakaʋuya, ricibva kuɗeŋga, riciti: Ndatorikudza, ndicarikudza ɀe. Ɀino ʋanhu ʋazhinji, ʋakaŋga ʋamire’po, ʋaciɀinzwa, ʋakati: Kwatinhira. Ʋamŋe ʋakati: Mutumŋa wataura naye. Jesu akapindura, akati: Inzwi iri harina‐kuʋuya nokuɗa kwaŋgu, asi nokuɗa kwenyu. Ɀino kutoŋgwa kwenyika ino kwaʋa’po, ɀino mucinda wenyika ino ucadziŋgwa. Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndicakweʋera ʋose kwandiri. Wakareʋa iɀoɀi, aciratidza kufa, kwaaizofa nako. Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakamupindura, ʋakati: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu ucagara nokusiŋgaperi; ɀino moreʋa seiko imi, kuti Mŋanakomana womunhu unofanira kusimudzwa? Uyu Mŋanakomana womunhu ndianiko? Ipapo Jesu akati kwaʋari: Ciedza cici’po pakati penyu ciŋguʋa ciɗuku. Fambai mucineciedza, kuti murege kukundwa nerima; unofamba murima haaziʋi kwaanoenda. Mucineciedza, tendai kuciedza, mugoitwa ʋana ʋeciedza. Jesu wakareʋa iɀoɀi, akabva, akaɀiʋanza kwaʋari. Ɀino kunyaŋge akaŋga aita ɀiratidzo ɀizhinji ɀakaɗaro pamberi paʋo, haʋana‐kutenda kwaari; kuti shoko romuprofita Isaya riitike, raakareʋa, aciti: Ishe, ndianiko wakatenda caʋakanzwa kwatiri? Noruʋoko rwaShe rwakaratidzwa kunaniko? Saka ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kutenda, nokuti Isaya wakati ɀe: Wakapofumadza meso aʋo, akawomesa mŋoyo yaʋo; Kuti ʋarege kuʋona nameso aʋo, nokunzwisisa nemŋoyo yaʋo, Ʋadzoke, Ndiʋaporese. Isaya wakareʋa iɀoɀi, nokuti wakaʋona kubginya kwake; akamureʋa iye. Asi kunyaŋge ɀakaɗaro ʋazhinji ʋaʋaɓati ʋakatenda kwaari; asi ʋakaŋga ʋasiŋgamureʋururi nokuɗa kwaʋaFarise, kuti ʋarege kuɓuɗiswa musinagoge; nokuti ʋakaŋga ʋaciɗa kukudzwa naʋanhu kupfuʋura kukudzwa naMŋari. Ɀino Jesu akaɗana, akati: Unotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kunowakandituma. Unondiʋona, unoʋona wakandituma. Ini ndakaʋuya munyika, ndiri ciedza, kuti aninani unotenda kwandiri arege kugara murima. Kana munhu acinzwa mashoko aŋgu, akasaaceŋgeta, handimutoŋgi ini, nokuti handina‐kuʋuya kuzotoŋga nyika, asi kuti ndiponese nyika. Unondiramba, asiŋgagamuciri mashoko aŋgu, unomumŋe, unomutoŋga; shoko randakareʋa ndiro ricamutoŋga nezuʋa rokupedzisira. Nokuti handina‐kureʋa pacaŋgu, asi Ƃaɓa, ʋakandituma, ndiʋo ʋakandipa murairo, ɀandicareʋa neɀandicataura. Ndinoziʋa kuti murairo waʋo ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi; naiɀoɀi ɀandinotaura, ndinotaura seɀandakaʋudzwa naƂaɓa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 12

Johani 12:20-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)