Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 12:20-50

Johane 12:20-50 SUB1949

Ɀino kwaiʋa naʋamŋe ʋaGiriki pakati paʋakaŋga ʋakwira kumutambo kundonamata’ko; iʋo ʋakaʋuya kunaFiripo weBetsaida reGarirea, ʋakakumbira kwaari, ʋaciti: Ishe, tinoɗa kuʋona Jesu. Firipo akaenda, akandoʋudza Andreasi; Andreasi akaenda naFiripo, ʋakandoʋudza Jesu. Jesu akaʋapindura, akati: Ŋguʋa yaȿika, kuti Mŋanakomana womunhu akudzwe. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana tsaŋga yeɀiyo ikasawira muvu, ikafa, icagara iri yoga; asi kana ikafa, inoɓereka ɀiɓereko ɀizhinji. Unoɗa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; nounoʋeŋga ʋupenyu bgake panyika ino, ucabguceŋgeta kuʋupenyu bgusiŋgaperi. Kana munhu acindishumira, ŋgaanditeʋere; napandineŋge ndiri, nomuranda waŋgu ucaʋa’po ʋo. Kana munhu acindishumira, Ƃaɓa ʋacamukudza. Ɀino mŋeya waŋgu unomanikidzwa; ndicatiyiko? Ƃaɓa ndiponesei paŋguʋa ino. Asi ndiɀo ɀandaʋuyira paŋguʋa ino. Ƃaɓa, kudzai zita renyu. Ipapo inzwi rakaʋuya, ricibva kuɗeŋga, riciti: Ndatorikudza, ndicarikudza ɀe. Ɀino ʋanhu ʋazhinji, ʋakaŋga ʋamire’po, ʋaciɀinzwa, ʋakati: Kwatinhira. Ʋamŋe ʋakati: Mutumŋa wataura naye. Jesu akapindura, akati: Inzwi iri harina‐kuʋuya nokuɗa kwaŋgu, asi nokuɗa kwenyu. Ɀino kutoŋgwa kwenyika ino kwaʋa’po, ɀino mucinda wenyika ino ucadziŋgwa. Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndicakweʋera ʋose kwandiri. Wakareʋa iɀoɀi, aciratidza kufa, kwaaizofa nako. Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakamupindura, ʋakati: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu ucagara nokusiŋgaperi; ɀino moreʋa seiko imi, kuti Mŋanakomana womunhu unofanira kusimudzwa? Uyu Mŋanakomana womunhu ndianiko? Ipapo Jesu akati kwaʋari: Ciedza cici’po pakati penyu ciŋguʋa ciɗuku. Fambai mucineciedza, kuti murege kukundwa nerima; unofamba murima haaziʋi kwaanoenda. Mucineciedza, tendai kuciedza, mugoitwa ʋana ʋeciedza. Jesu wakareʋa iɀoɀi, akabva, akaɀiʋanza kwaʋari. Ɀino kunyaŋge akaŋga aita ɀiratidzo ɀizhinji ɀakaɗaro pamberi paʋo, haʋana‐kutenda kwaari; kuti shoko romuprofita Isaya riitike, raakareʋa, aciti: Ishe, ndianiko wakatenda caʋakanzwa kwatiri? Noruʋoko rwaShe rwakaratidzwa kunaniko? Saka ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kutenda, nokuti Isaya wakati ɀe: Wakapofumadza meso aʋo, akawomesa mŋoyo yaʋo; Kuti ʋarege kuʋona nameso aʋo, nokunzwisisa nemŋoyo yaʋo, Ʋadzoke, Ndiʋaporese. Isaya wakareʋa iɀoɀi, nokuti wakaʋona kubginya kwake; akamureʋa iye. Asi kunyaŋge ɀakaɗaro ʋazhinji ʋaʋaɓati ʋakatenda kwaari; asi ʋakaŋga ʋasiŋgamureʋururi nokuɗa kwaʋaFarise, kuti ʋarege kuɓuɗiswa musinagoge; nokuti ʋakaŋga ʋaciɗa kukudzwa naʋanhu kupfuʋura kukudzwa naMŋari. Ɀino Jesu akaɗana, akati: Unotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kunowakandituma. Unondiʋona, unoʋona wakandituma. Ini ndakaʋuya munyika, ndiri ciedza, kuti aninani unotenda kwandiri arege kugara murima. Kana munhu acinzwa mashoko aŋgu, akasaaceŋgeta, handimutoŋgi ini, nokuti handina‐kuʋuya kuzotoŋga nyika, asi kuti ndiponese nyika. Unondiramba, asiŋgagamuciri mashoko aŋgu, unomumŋe, unomutoŋga; shoko randakareʋa ndiro ricamutoŋga nezuʋa rokupedzisira. Nokuti handina‐kureʋa pacaŋgu, asi Ƃaɓa, ʋakandituma, ndiʋo ʋakandipa murairo, ɀandicareʋa neɀandicataura. Ndinoziʋa kuti murairo waʋo ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi; naiɀoɀi ɀandinotaura, ndinotaura seɀandakaʋudzwa naƂaɓa.

Verenga chikamu Johane 12