Pakati pevanhu vakaenda kundonamata kuzuva guru paiva navamwe vaGiriki. Ivava vakaenda kuna Firipi aibva kuBhetisaidha muGarirea vakati kwaari, “Changamire tinodawo kuona Jesu.” Firipi akaenda akandotaurira Andireya. Andireya akaenda naFiripi vakandoudza Jesu. Jesu akavapindura achiti, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana womunhu zvino achiwana mukurumbira. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri kusatoti tsanga yekoroni yawira muvhu ikafa inoramba ichingova yoga asi ikafa inobereka muchero wakawanda. Anoda upenyu hwake anorasikirwa naho, asi uyo anovenga upenyu hwake pasi pano anohuchengeta kusvikira kuhupenyu husingaperi. Anoda kundishandira, anofanira kunditevera, kwandinenge ndiri, mushandi wangu ndokwaanofanirawo kuva. Munhu akandishandira, Baba vachamukudza. “Iye zvino ndiri kushushikana mumwoyo Ndoti kudiiko? Baba ndipunyutseiwo kunguva iyi asi aiwa, inga zvenguva iyi ndizvo zvandakavinga wani. Baba rumbidzai zita renyu.” Ipapo izwi rakabva kudenga richiti, “Ndakarirumbidza uye ndicharirumbidzazve.” Chikwata chavanhu chakanga chiripo chakazvinzwa. Vakati, “Kwatinhira,” vamwewo vakati, “Mutumwa waMwari ataura kwaari.” Jesu akapindura achiti, “Izwi iri rauyira imi kwete ini.” Zvino kutongwa kwapasi pano kwasvika. Zvino mutongi wapasi pano ava kudzingirwa kunze. Iniwo kana ndarembedzwa pamusoro payo nyika, ndichakwezvera vanhu vose kwandiri. Akataura izvi achiratidza rufu rwaaizofa narwo. Gungano rakamupindura richiti, “Isu takanzwa muMutemo kuti Mesia achagara nokusingaperi. Ko zvino ungati sei Mwanakomana womunhu anofanira kuti asimudzwe. Ndianiko Mwanakomana womunhu iyeyo?” Jesu akavati, “Mwenje uchinemi kwechinguvana fambai muchine mwenje iwoyo kudai, mungadaro mukawirwa nerima. Anofamba murima haazivi kwaanoenda. Muchine mwenje kudai tendai mumwenje kuti muve vana vechiedza.” Jesu paakapedza kutaura izvi akabva akandozvivanza kwavari. Kunyange zvazvo akaita zviratidzo zvizhinji pamberi pavo asi havana kutenda maari. Zvakaitika kuti zvakataurwa nomuporofita Isaya zvizadziswe zvokuti, “Tenzi ndiani akatenda zvatakataura simba raMwari rakaratidzwa kunaani?” Naizvozvo havana kugona kutenda nokuti Isaya anotizve, “Akavapofomadza maziso akavagomadza mwoyo kuti zvimwe vangadaro vakaona namaziso avo vakanzwisisa nemwoyo yavo vakapindukira kwandiri ndikavaporesa.” Isaya akataura izvi nokuti akaona mbiri yake akataura nezvake. Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji, kunyange vakuru vakuru vakadavira maari. Asi pamusana pokutya vaFarisei havana kugona kuzvidura pachena kuri kutya kuti vangadzingwe muSinagogu. Chikonzero chacho chaiva chokuti vaida kurumbidzwa navanhu kupinda kurumbidzwa naMwari. Jesu akadaidzira achiti, “Anodavira mandiri haadaviri mandiri asi muna iye akandituma. Uyo anondiona anoona iye akandituma. Ndakauya sechiedza pasi pano kuti ani naani anotenda mandiri arege kugara murima. Ani naaniwo anonzwa zvandinotaura asingazvichengete handimupi mhosva nokuti handina kuuya kuzopa pasi mhosva asi kuzoponesa pasi. Anondiramba uye asingagamuchiri zvandinotaura ane anomutonga. Zvandakataura izvozvo ndizvo zvichamutonga pazuva remhedziso. Nokuti handina kutaura zvomusoro wangu. Baba vakandituma ndivo vakanditemera zvandinofanira kutaura nezvandinofanira kureva. Ndinozivawo kuti mutemo wavo ndiwo upenyu husingaperi, saka zvandinotaura, ndinotaura sokuudzwa kwandakaitwa naBaba.”
Verenga chikamu Johani 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 12:20-50
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo