Zvino kwaiva navamwe vaGiriki pakati pavakanga vakwira kumutambo kundonamatako; ivo vakauya kuna Firipi weBhetisaidha reGariria, vakakumbira kwaari, vachiti, “Ishe, tinoda kuona Jesu.”
Firipi akaenda, akandoudza Andireya; Andireya akaenda naFiripi, vakandoudza Jesu.
Jesu akavapindura, akati, “Nguva yasvika, kuti Mwanakomana womunhu akudzwe. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana tsanga yezviyo ikasawira muvhu, ikafa, ichagara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zvizhinji. Anoda upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; noanovenga upenyu hwake panyika ino, achahuchengeta kuupenyu husingaperi. Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri, nomuranda wangu achavapowo. Kana munhu achindishumira, baba vachamukudza.
“Zvino mweya wangu unomanikidzwa; ndichatiiko? Baba ndiponesei panguva ino. Asi ndizvo zvandauyira panguva ino. Baba, kudzai zita renyu.” Ipapo izwi rakauya, richibva kudenga, richiti, “Ndatorikudza, ndicharikudzazve.”
Zvino vanhu vazhinji, vakanga vamirepo, vachizvinzwa, vakati, “Kwatinhira.” Vamwe vakati, “Mutumwa ataura naye.”
Jesu akapindura, akati, “Izwi iri harina kuuya nokuda kwangu asi nokuda kwenyu. Zvino kutongwa kwenyika ino kwavapo, zvino muchinda wenyika ino achadzingwa. Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.” Wakareva izvozvi, achiratidza kufa, kwaaizofa nako.
Zvino vanhu vazhinji vakamupindura, vakati, “Isu takanzwa pamurayiro kuti Kristu uchagara aokusingaperi; zvino moreva seiko imi, kuti Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwa? Uyu Mwanakomana womunhu ndianiko?”
Ipapo Jesu akati kwavari, “Chiedza chichipo pakati penyu chinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, kuti murege kukundwa nerima; anofamba murima haazivi kwaanoenda.
“Muchine chiedza, tendai kuchiedza, mugoitwa vana vechiedza.”
Jesu akareva izvozvi, akabva, akazvivanza kwavari. Zvino kunyange akanga aita zviratidzo zvizhinji zvakadaro pamberi pavo, havana kutenda kwaari; kuti shoko romuporofita Isaya riitike, raakareva, achiti,
“Ishe, ndianiko akatenda chavakanzwa kwatiri?
Noruoko rwaIshe rwakaratidzwa kuna aniko?”
Saka vakanga vasingagoni kutenda,
nokuti Isaya akatizve,
“Akapofumadza meso avo,
akaomesa mwoyo yavo;
Kuti varege kuona nameso avo,
nokunzwisisa nemwoyo yavo,
Vadzoke
Ndivaporese.”
Isaya akareva izvozvi, nokuti akaona kubwinya kwake; akamureva iye.
Asi kunyange zvakadaro vazhinji vavabati vakatenda kwaari; asi vakanga vasingamureururi nokuda kwavaFarisi, kuti varege kubudiswa musinagoge; nokuti vakanga vachida kukudzwa navanhu kupfuura kukudzwa naMwari.
Zvino Jesu akadana, akati, “Anotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kune akandituma. Anondiona, anoona akandituma. Ini ndakauya munyika, ndiri chiedza, kuti ani naani anotenda kwandiri arege kugara murima. Kana munhu achinzwa mashoko angu, akasaachengeta, handimutongi ini, nokuti handina kuuya kuzotonga nyika, asi kuti ndiponese nyika. Anondiramba, asingagamuchiri mashoko angu, anomumwe, anomutonga; shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rokupedzisira.
“Nokuti handina kureva pachangu, asi baba, vakandituma, ndivo vakandipa murayiro, zvandichareva nezvandichataura. Ndinoziva kuti murayiro wavo ndihwo upenyu husingaperi; naizvozvi zvandinotaura, ndinotaura sezvandakaudzwa nababa.”