Johani 4:28-30
Johani 4:28-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo, asiya chirongo chake, mukadzi akadzokera kuguta akandoti kuvanhu, “Uyai, muone murume anditaurira zvinhu zvose zvandakaita. Kuti uyu angava iye Kristu here?” Vakabuda muguta vakapinda munzira yavo vakananga kwaari.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 4Johani 4:28-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mukadzi akasiya chirongo chake, akaenda muguta, akati kuvanhu, “Uyai muone munhu, akandiudza zvose zvandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here?” Vakabuda muguta, vakaenda kwaari.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 4Johani 4:28-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo mukadzi uya akasiya chirongo chake akaenda muguta akati kuvanhu, “Uyai muone munhu anditaurira zvose zvandakaita. Angave iye Kristu here?” Vanhu vakabuda muguta vachienda kwaari.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 4