Jobho 11:13-15
Jobho 11:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Dai kuri kuti unogadziridza hana yako ugosimudzira maoko ako kwaari, dai ukakanda pasi kure uipi hwaunaho uchirega kuita ukama nechakaipa; pakadaro, kana kusimudza musoro ungasimudze pasisina mhosva, wasimba uye usisatyi.
Jobho 11:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi kana mwoyo wako ukazvipira kwaari, uye ukatambanudzira maoko ako kwaari, kana ukaisa kure chivi chiri muruoko rwako, uye ukasatendera chakaipa kugara mutende rako, ipapo uchasimudza chiso chako usina nyadzi, uchamira wakasimba uye usingatyi.
Jobho 11:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana iwe ukaruramisa mwoyo wako, Ukatambanudzira maoko ako kwaari; Kana zvakaipa zviri muruoko rwako, uzviise kure, Kusarurama ngakurege kugara mumatende ako; Zvirokwazvo ipapo ungasimudza chiso chako, usine gwapa, Zvirokwazvo, uchasimba, usingatyi, chinhu.
Jobho 11:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana iwe ukaruramisa mŋoyo wako, Ukatambanudzira maʋoko ako kwaari; Kana ɀakaipa ɀiri muruʋoko rwako, uɀiise kure, Kusarurama ŋgakurege kugara mumatente ako; Ɀirokwaɀo ipapo uŋgasimudza ciso cako, usinegwapa, Ɀirokwaɀo, ucasimba, usiŋgatyi cinhu.
Jobho 11:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Dai kuri kuti unogadziridza hana yako ugosimudzira maoko ako kwaari, dai ukakanda pasi kure uipi hwaunaho uchirega kuita ukama nechakaipa; pakadaro, kana kusimudza musoro ungasimudze pasisina mhosva, wasimba uye usisatyi.