Jobho 24:22-24
Jobho 24:22-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Anobvisa vane simba nesimba rake; Kana iye achisimuka, hakuna munhu anoziva kana achararama. Mwari anovagarisa vakachengetwa, vachivimba nazvo; Asi meso ake anotarira nzira dzavo. Vanokudzwa; gare-gare vaenda; Vanodukupiswa, vanobviswa panzira savamwe vose, Vanochekwa semisoro yehura dzezviyo.
Jobho 24:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Asi Mwari nesimba rake anokwekweretsa vana masimba, vanogona zvavo kusimukira asi havana chivimbo chaicho choupenyu. Anovanetsa nokufunga kuti vagare zvisina njodzi asi ziso rake rinenge riri panzira dzavo. Pakanguva kadukuduku vanombosimudzirwa pamusoro vobva vaenda voti pasi mokoto vachindorongedzwa zvinongoitwa vamwe vose, vanochekwa sezvinongoitwa hura dzembeswa.
Jobho 24:22-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Mwari anokwekweredza vane simba nesimba rake; kunyange vakasimbiswa, havana chokwadi noupenyu hwavo. Angavarega zvavo vakazorora vachifungidzira kuti vakachengetedzwa; asi meso ake ari panzira dzavo. Vanosimudzirwa kwechinguva chiduku, gare gare vaenda; vanodukupiswa vagounganidzwa savamwe vose, vanochekwa sehura dzezviyo.
Jobho 24:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Mwari nesimba rake anokwekweretsa vana masimba, vanogona zvavo kusimukira asi havana chivimbo chaicho choupenyu. Anovanetsa nokufunga kuti vagare zvisina njodzi asi ziso rake rinenge riri panzira dzavo. Pakanguva kadukuduku vanombosimudzirwa pamusoro vobva vaenda voti pasi mokoto vachindorongedzwa zvinongoitwa vamwe vose, vanochekwa sezvinongoitwa hura dzembeswa.
Jobho 24:22-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unobvisa ʋanesimba nesimba rake; Kana iye acisimuka, hakunomunhu unoziʋa kana acararama. Mŋari unoʋagarisa ʋakaceŋgetwa, ʋaciʋimba naɀo; Asi meso ake anotarira nzira dzaʋo. Ʋanokudzwa; gare‐gare ʋaenda; Ʋanoɗukupiswa, ʋanobviswa panzira saʋamŋe ʋose, Ʋanocekwa semisoro yehura dzeɀiyo.