Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 24

24
Jobho haanzwisisi kuti vatadzi vanoregereiko kurohwa
1WaMasimbaose anoregereiko kutara nguva dzokutonga?
Vanomuziva vanoregereiko kuona mazuva ake?
2Vanoshandura miganho varipo;
Vanopamba mapoka amakwai, vachiafudza.
3Vanotinha mbongoro yenherera,
Vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso.
4Vanodzinga varombo panzira;
Varombo venyika vanovanda vose.
5Tarira, sembizi murenje
Vanobudira kumabasa avo, vachishingairira zvokwadi;
Renje rinovapa zvokudya zvavana vavo.
6Vanocheka zvavanodya kusango;
Vanounganidza madzambiringa avakaipa.
7Vanovata usiku hwose vasina zvavakafuka,
Pachando havana chavangazvifukidza nacho.
8Vakanyorova nokupfunha kwemvura yamakomo,
Vanombundikira dombo nokushaiwa pokutizira.
9Varipo vanobvuta nherera pazamu ramai,
Nokutora rubatso rwavarombo;
10Naizvozvo vanofamba vasina zvavakafuka,
Vanotakura zvisote vane nzara;
11Vanosvina mafuta mukati mamasvingo avanhu ava;
Vanotsika zvisviniro
zvamadzambiringa avo, vachifa nenyota.
12Vanhu vanogomera mukati meguta rina vanhu vazhinji,
Uye mweya yavakakuvadzwa inochema;
Kunyange zvakadaro Mwari haane hanya
nezvisina kururama.
13Ndivo vanovenga chiedza;
Havazivi nzira dzacho,
Havarambi vachifamba pamakwara acho.
14Muurayi anomuka kana kwoedza,
anouraya murombo neanoshaiwa;
Usiku wakafanana nomubi.
15Ziso remhombwewo rinomirira rubvunzavaeni,
Achiti, “Hakune ziso richandiona;”
Ndokufukidza chiso chake.
16Usiku vanopaza dzimba;
Masikati vanozvipfigira;
Havazivi chiedza.
17Nokuti mangwanani akaita serima guru kwavari vose;
Nokuti vanoziva kutyisa kwerima guru.
18Iye anofambisa pamusoro pemvura;
Mugove wavo wakatukwa panyika;
Haachafambi nenzira yeminda yemidzambiringa.
19Kuoma nokupisa kunopedza mvura yechando;
Ndizvo zvinoita Sheori navakatadza.
20Chizvaro chichamukanganwa; honye dzichatapirirwa naye;
Haachazorangarirwi;
Uye kusarurama kuchavhunwa somuti.
21Iye unoparadza han’a isingabereki;
Haaitiri chirikadzi zvakanaka.
22Anobvisa vane simba nesimba rake;
Kana iye achisimuka, hakuna munhu
anoziva kana achararama.
23Mwari anovagarisa vakachengetwa,
vachivimba nazvo;
Asi meso ake anotarira nzira dzavo.
24Vanokudzwa; gare-gare vaenda;
Vanodukupiswa, vanobviswa panzira savamwe vose,
Vanochekwa semisoro yehura dzezviyo.
25Kana zvisina kudaro zvino, ndiani angati ndine nhema,
Nokushaisha mashoko angu simba here?

Zvasarudzwa nguva ino

Jobho 24: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda