Jobho 25
25
Bhiridhadhi anorumbidza ukuru hwaMwari
1Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura, akati,
2“Umambo nokutyisa zvinaye;
Iye unoyananisa pamatunhu ake akakwirira.
3Hondo dzake dzingaverengwa here?
Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake?
4Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari?
Nomunhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?
5Tarira, nomwedziwo unoshaiwa kubhinya,
Nenyeredzi hadzizakachena kwazvo pamberi pake.
6Ndoda munhu, iro gonye!
NoMwanakomana womunhu, iro gonye!”
Zvasarudzwa nguva ino
Jobho 25: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002