Joere 1:13
Joere 1:13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pfekai masaga mucheme, imi vaprista; ungudzai, imi munoshanda paaritari. Uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga, imi munoshumira pamberi paMwari wangu; nokuti zvipiriso zvezviyo nezvokunwa zvadziviswa muimba yaMwari wenyu.
Joere 1:13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvisungei zviuno namasaga, mucheme imi vapristi; ungudzai imi vashumiri veatari; uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga, imi vashumiri vaMwari wangu; nokuti chipiriso choupfu nechipiriso chinonwiwa zvadziviswa paimba yaMwari wenyu.
Joere 1:13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pfekai masaga muungudze imi vapristi, hwihwidzai kuchema, imi vashandi vepaatari. Pindai murare makapfeka masaga imi vashandiri vaMwari wangu nokuti zvomupiro wembesanwa nomupiro wokuteura zvamiswa mumba yaMwari wenyu.
Joere 1:13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀisuŋgei ɀiʋuno namasaga, muceme imi ʋaprista; wuŋgudzai imi ʋashumiri ʋeartari; ʋuyai muʋate ʋusiku bgose makapfeka masaga, imi ʋashumiri ʋaMŋari waŋgu; nokuti cipiriso coʋupfu necipiriso cinonwiwa ɀadziʋiswa paimba yaMŋari wenyu.
Joere 1:13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)