Ruka 6:45
Ruka 6:45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.
Ruka 6:45 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munhu akanaka anobudisa zvakanaka papfuma yakanaka yomwoyo wake; akaipa anobudisa zvakaipa papfuma yakaipa yomwoyo wake; nokuti muromo unoreva zvizere pamwoyo.
Ruka 6:45 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvichibva muupfumi hwakanaka hwemwoyo wake. Nomunhuwo akaipa anobudisa zvakaipa zvichibva muupfumi hwakaipa hwemwoyo wake nokuti muromo unotaura zvinenge zvichibva mune zvizere mumwoyo make.
Ruka 6:45 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munhu wakanaka unoɓuɗisa ɀakanaka pafuma yakanaka yomŋoyo wake; wakaipa unoɓuɗisa ɀakaipa pafuma yakaipa yomŋoyo wake; nokuti muromo unoreʋa ɀizere pamŋoyo.
Ruka 6:45 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)