Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 6

6
Jesu Ishe wesaɓata.
(Mat 12:1–8; Mar 2:23–28)
1Ɀino nomusi wesaɓata wakafamba napakati peminda yeɀiyo; ʋadzidzi ʋake ʋakatanha hura, ʋakadya, ʋacidzipukuta namaʋoko. 2Ɀino ʋamŋe ʋaʋaFarise ʋakati kwaʋari: Munoitireiko ɀisina‐kutenderwa kuitwa nomusi wesaɓata? 3Jesu akaʋapindura, akati: Ko hamuna‐kuraʋa here ɀakaitwa naDavidi, musi waakaŋga aziya, iye naʋakaŋga ʋanaye; 4kuti wakapinda mumba maMŋari, akatora ɀiŋgwa ɀokuratidza, akaɀidya, akapa ʋo ʋakaŋga ʋanaye, iɀo ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa, asi naʋaprista ʋoga? 5Akati kwaʋari: Mŋanakomana womunhu ndiye Ishe wesaɓata ʋo.
Jesu unoporesa munhu waiʋa noruʋoko rwakawonyana.
(Mat 12:9–14; Mar 3:1–6)
6Ɀino neimŋe saɓata wakapinda musinagoge, akadzidzisa; ɀino kwakaŋga kunomunhu ipapo wakaŋga anoruʋoko rworudyi rwakawonyana. 7Ʋanyori naʋaFarise ʋakamutarisisa, kuʋona kana aŋgamuporesa nomusi wesaɓata, kuti ʋawane paʋaŋgamupomera mhoȿa napo. 8Asi iye wakaziʋa mifuŋgo yaʋo, akati kumunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana: Simuka, umire pakati paʋanhu. Akasimuka, akamira. 9Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ndinokubvunzai shoko iri: Ɀakatenderwa here kuita ɀakanaka kana ɀakaipa nesaɓata, kuponesa munhu, kana kuʋuraya? 10Ipapo akariŋga‐riŋga aciʋatarira ʋose, akati kwaari: Tambanudza ruʋoko rwako. Akaɗaro, ruʋoko rwake rukaʋandudzwa. 11Ɀino ʋakatsamŋa kwaɀo, ʋakaraŋgana ʋose kuti Jesu ʋaŋgamuitei.
Jesu unoɗana ʋadzidzi ʋake.
(Mat 10:1–4; Mar 3:13–19)
12Namazuʋa iwayo wakaɓuɗira kugomo kundonyeŋgetera, akapedza ʋusiku bgose pakunyeŋgetera kunaMŋari. 13Ɀino kwakati kwaedza, akaɗana ʋadzidzi ʋake; akasanaŋgura kwaʋari ʋanegumi naʋaʋiri, ʋaakatumidza zita rokuti ʋaapostora; 14Simoni, waakatumidza ʋo Petro, naAndrea, munuŋuna wake, naJakobo, naJohane, naFiripo, naBartoromeo, 15naMateo, naTomasi, naJakobo mŋanakomana waArfeo, naSimoni, wainzi Zerote; 16naJudasi mŋanakomana waJakobo; naJudasi Iskarioti, wakazomupandukira. 17Akaɓuruka naʋo, akamira pakati cecetere, naʋadzidzi ʋake ʋazhinji, naʋanhu ʋazhinji‐zhinji, ʋaibva Judea rose neJerusarema, napamhenderekedzo yeguŋgwa reTire neSidoni, 18ʋakaŋga ʋaʋuya kuzomunzwa, nokuporeswa hosha dzaʋo. Naʋakaŋga ʋacitambudzika nemŋeya yetȿina ʋakaporeswa. 19Ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakatȿaka kumunyaŋgata, nokuti simba rakaɓuɗa kwaari rikaʋaporesa ʋose.
Mharidzo yaJesu.
(Mat 5:1–8)
20Ɀino wakatarisisa ʋadzidzi ʋake, akati: Makaropafadzwa imi ʋarombo, nokuti ʋushe bgaMŋari ndobgenyu. 21Makaropafadzwa imi munenzara ɀino, nokuti mucagutiswa. Makaropafadzwa imi munocema ɀino, nokuti mucaseka. 22Makaropafadzwa, kana ʋanhu ʋacikuʋeŋgai, ʋacikudziŋgai, ʋacikuɀidzai, ʋacirasha zita renyu secinhu cakashata, nokuɗa kwoMŋanakomana womunhu. 23Farai nezuʋa iro, mupembere, nokuti tarirai, muɓairo wenyu kuɗeŋga mukuru; nokuti madziɓaɓa aʋo akaitira ʋaprofita ɀakaɗaro. 24Asi munenhamo imi ʋafumi, nokuti mapiwa kunyaradzwa kwenyu. 25Munenhamo imi makaguta ɀino, nokuti mucaʋa nenzara. Munenhamo imi munoseka ɀino, nokuti mucacema nokurira. 26Munenhamo kana ʋanhu ʋose ʋacitaura ɀakanaka pamsoro penyu, nokuti madziɓaɓa aʋo akaitira ʋaprofita ʋenhema ɀakaɗaro.
27Asi ndinoti kwamuri imi munonzwa: Iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu; muitire ɀakanaka ʋanokuʋeŋgai. 28Ropafadzai ʋanokutukai, munyeŋgeterere ʋanokumhurai. 29Unokuroʋa paɗama, umurinzire rimŋe ʋo; unokutorera ŋguʋo yokunze, usamuramba neŋguʋo yomukati ʋo. 30Mumŋe nomumŋe unokumbira kwauri, umupe; nounokutorera ɀako, usaɀikumbira ɀe kwaari. 31Seɀamunoɗa kuti ʋanhu ʋakuitirei, muʋaitire ʋo saiɀoɀo. 32Kana muciŋgoɗa aʋo ʋanokuɗai, munokuʋoŋgwa kwakaɗiniko? Nokuti naʋatadzi ʋo ʋanoɗa ʋanoʋaɗa. 33Kana muciŋgoitira ɀakanaka aʋo ʋanokuitirai ɀakanaka, munokuʋoŋgwa kwakaɗiniko? Nokuti naʋatadzi ʋanoɗaro ʋo. 34Kana muciŋgopa iʋo cikwerete, ʋamunoti mucadzoserwa ɀe naʋo, munokuʋoŋgwa kwakaɗiniko? Nokuti naʋatadzi ʋanopa ʋo ʋatadzi cikwerete, kuti ʋapiwe ɀe ɀakaenzana naɀo. 35Asi iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu, muʋaitire ɀakanaka. Mupe cikwerete musiŋgaʋori mŋoyo; muɓairo wenyu ucaʋa mukuru, mugoʋa ʋanakomana ʋoWokumsoro‐soro; nokuti iye unomŋoyo munyoro kunaʋasiŋgaʋoŋgi naʋakaipa. 36Iʋai netsitsi, saƂaɓa ʋenyu ʋanetsitsi ʋo. 37Musatoŋga, nemi hamuŋgazotoŋgwi; musapa mhaka, nemi hamuŋgazopiwi mhaka; sunuŋgurai, nemi mucasunuŋgurwa ʋo. 38Ipai, nemi mucapiwa; ʋacakupai pamaʋoko enyu ciyero cakanaka, cakatsikirirwa, cakazuŋguzirwa, cakaita mupfuŋga; nokuti neciyero camunoyera naco, mucayerwa ʋo naco.
39Wakaʋaʋudza ʋo mufananidzo, akati: Ƃofu riŋgatuŋgamirira rimŋe ɓofu here? Haaŋgawiri mugomba ose ari maʋiri here? 40Mudzidzi haapfuʋuri mudzidzisi wake. Asi mumŋe nomumŋe, kana akwaniswa, ucaʋa somudzidzisi wake. 41Unotarireiko ruɓanzu ruri muziso rehama yako, iɀo, ɗanda riri muziso rako hauriʋoni? 42Kana uŋgareʋa seiko kuhama yako, uciti: Hama, rega ndibvise ruɓanzu ruri muziso rako, usiŋgaʋoni ɗanda riri muziso rako? Iwe munyeŋgeri, taŋga ubvise ɗanda muziso rako, ipapo ucaʋonesesa kubvisa ruɓanzu ruri muziso rehama yako. 43Nokuti hakunomuti wakanaka unoɓereka ɀiɓereko ɀakaipa, kana muti wakaipa unoɓereka ɀiɓereko ɀakanaka; 44nokuti muti mumŋe nomumŋe unozikanwa neɀiɓereko ɀawo. Nokuti ʋanhu haʋatanhi maʋonde paminzwa, kana mazambiriŋga haatanhwi parukato. 45Munhu wakanaka unoɓuɗisa ɀakanaka pafuma yakanaka yomŋoyo wake; wakaipa unoɓuɗisa ɀakaipa pafuma yakaipa yomŋoyo wake; nokuti muromo unoreʋa ɀizere pamŋoyo.
Mufananidzo weimba yakaʋakwa paruware.
(Mat 7:24–27)
46Munondiidzireiko Ishe! Ishe! musiŋgaiti ɀandinoreʋa? 47Mumŋe nomumŋe unoʋuya kwandiri, akanzwa mashoko aŋgu, akaaita, ndicakuratidzai waakafanana naye. 48Wakafanana nomunhu wakaʋaka imba, akacera, akadzikisa, akaiteya paruware; mvura zhinji ikaʋuya, mvura ikaroʋa imba iyo, ikasagona kuizunuŋgusa, nokuti yakaŋga yakaʋakwa kwaɀo. 49Asi unonzwa, asiŋgaiti, wakafanana nomunhu wakaʋaka imba pavu, isinenheyo; mvura yakati iciiroʋa, ikawa pakarepo, kuputsika kweimba iyo kukaʋa kukuru.

Zvasarudzwa nguva ino

Ruka 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda