Ruka 7:7-9
Ruka 7:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndokusaka ndisina kumbofunga kuti ini ndive nekodzero yokuuya kwamuri. Asi, taurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora. Nokuti ini pachangu, ndiri munhu ari pasi pavamwe, uye ndine varwi vari pasi pangu. Ndinoti kuno uyu, ‘Enda,’ uye anoenda, kuno mumwe, ‘Uya’ uye anouya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ uye anochiita.” Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa kwazvo naye, akatendeukira kuvanhu vazhinji vaimutevera akati, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai kunyange muIsraeri.”
Ruka 7:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
naizvozvo ndakati handifaniri kuuya kwamuri; asi taurai henyu shoko, muranda wangu achapora. Nokuti neniwo ndiri munhu akaiswa pasi pavamwe, ndinavarwi pasi pangu; kana ndikati kune mumwe, ‘Enda!’ Anoenda; kune mumwe, ‘Uya!’ Anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ anoita.” Jesu akati achinzwa izvozvo, akashamiswa naye, akatendeuka, akati kuvazhinji vakanga vachimutevera, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai, kunyange napakati pavaIsiraeri.”
Ruka 7:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
ndosakawo ndazviona ndiri asingakodzeri kuuya kwamuri. Asi ingotaurai izwi chete, muranda wangu achapora, nokuti ndiri munhu ari pasi pavakuru uye ndina masojawo pasi pangu. Ndinoti kune mumwe, ‘Enda,’ achienda, kuno mumwe: ‘Uya,’ achiuya. Kumuranda wangu ndinoti, ‘Ita ichi,’ achichiita.” Jesu paakazvinzwa, akashamiswa naye, akatendeukira kuchita chavanhu chakanga chichimutevera, akati, “Ndinoti kwamuri, kunyange muIsiraeri handisati ndamboona chitendero chakadai.”
Ruka 7:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
naiɀoɀo ndakati handifaniri kuʋuya kwamuri; asi taurai henyu shoko, muranda waŋgu ucapora. Nokuti neni ʋo ndiri munhu wakaiswa pasi paʋamŋe, ndinaʋarwi pasi paŋgu; kana ndikati kunomumŋe: Enda! unoenda; kunomumŋe: Ʋuya! unoʋuya; nokumuranda waŋgu: Ita cici, unoita. Jesu wakati acinzwa iɀoɀo, akashamiswa naye, akatendeʋuka, akati kuʋazhinji ʋakaŋga ʋacimuteʋera: Ndinoti kwamuri: Handina‐kumboʋona kutenda kwakaɗai, kunyaŋge napakati paʋaIsraeri.
Ruka 7:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)