Mateo 1:18-19
Mateo 1:18-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene. Asi nokuda kwokuti Josefa akanga ari munhu akarurama akafunga zvokumuramba chinyararire, asingamunyadzisi pavazhinji.
Mateo 1:18-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai: Maria, mai vake, akati akaroorwa naJosefa, vasati vasangana, akaonekwa ava napamuviri naMweya Mutsvene. Zvino Josefa, murume wake, zvaakanga ari munhu akarurama, asingadi kumunyadzisa, akafunga kumuramba chinyararire.
Mateo 1:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu. Amai vake Maria vakanga vachangoroorwa naJosefi. Vasati vagara vose Maria akaonekwa ava napamuviri nesimba raMweya Mutsvene. Murume wake Josefi somunhu akanga akarurama, uye pamusana pokusada kumufumura, akafunga zvokumuramba chinyararire.
Mateo 1:18-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kuɓerekwa kwaJesu Kristu kwaiʋa kuɗai: Maria, mai ʋake, wakati anyeŋgwa naJosefa, ʋasati ʋasoŋgana, wakaʋonekwa aʋa nemimba noMŋeya Mutȿene. Ɀino Josefa, murume wake, ɀaakaŋga ari munhu wakarurama, asiŋgaɗi kumunyadzisa, wakafuŋga kumurega cinyararire.
Mateo 1:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)