Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 12:29 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 12:29 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Uyezve, munhu angapinda sei mumba momunhu ane simba agoenda nezvinhu zvake asina kutanga asunga munhu uyu ane simba? Ipapo anogona kuzopamba imba yake.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 BDSC

Mateo 12:29 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Munhu angapinda seiko paimba yaanesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosunga uya anesimba? Ipapo achaparadza imba yake.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SNA2002

Mateo 12:29 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Munhu uŋgapinda seiko paimba younesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosuŋga iye unesimba? Ipapo ucaparadza imba yake.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SUB1949

Mateo 12:29 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Kana kuti zvingaitike sei kutoti munhu angapinde mumba merume rine simba achipamba zvinhu zvaro, asi kuti atanga arisunga, ndokuzopamba zvemba yaro.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SCLB

Mateo 12:29 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Kana kuti zvingaitike sei kutoti munhu angapinde mumba merume rine simba achipamba zvinhu zvaro, asi kuti atanga arisunga, ndokuzopamba zvemba yaro.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SCLBD