Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 1:34 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mako 1:34 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani.

Pakurirana nevamwe
Mako 1 BDSC

Mako 1:34 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Akaporesa vazhinji vakanga vachirwadziwa namarudzi ehosha, akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi akanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva.

Pakurirana nevamwe
Mako 1 SNA2002

Mako 1:34 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Akaporesa ʋazhinji ʋakaŋga ʋacirwadziwa namarudzi ehosha, akaɓuɗisa mŋeya yakaipa mizhinji; asi wakaŋga asiŋgatenderi mŋeya yakaipa kutaura, nokuti yakaŋga icimuziʋa.

Pakurirana nevamwe
Mako 1 SUB1949

Mako 1:34 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Jesu akaporesa vazhinji vaiva namatenda akasiyana–siyana, achidzingawo mweya yakaipa mizhinji; akanga asingabvumiri mweya yakaipa iyoyo kuti itaure chinhu nokuti yakanga ichimuziva.

Pakurirana nevamwe
Mako 1 SCLB

Mako 1:34 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Jesu akaporesa vazhinji vaiva namatenda akasiyana–siyana, achidzingawo mweya yakaipa mizhinji; akanga asingabvumiri mweya yakaipa iyoyo kuti itaure chinhu nokuti yakanga ichimuziva.

Pakurirana nevamwe
Mako 1 SCLBD