Mako 12:41-44
Mako 12:41-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akagara pasi akatarisana nenzvimbo yaiiswa zvipo uye akatarisisa vanhu vazhinji vachiisa mari yavo muchivigiro chemari mutemberi. Vapfumi vazhinji vaikandamo mari zhinji. Asi chirikadzi yakasvika ikaisamo tumari tuviri tuduku. Jesu akadana vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndinokuudzai chokwadi, chirikadzi murombo iyi yaisa mari zhinji muchivigiro kupfuura vamwe vose. Vose vapa kubva paupfumi hwavo; asi chirikadzi iyi yapa, ichitora pakushayiwa kwayo, yaisa zvose zvayanga ichifanira kurarama nazvo.”
Mako 12:41-44 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akanga agere akatarisana neimba yaichengeterwa upfumi hwetemberi akatarira vanhu vazhinji vachikanda mari muzibhokisi, vapfumi vazhinji vakanga vachikanda zvizhinji. Kukasvika chirikadzi, yaiva murombo, ikakanda tumari tuviri tuduku. Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa zvizhinji kunaavo vose vakaisa muchivigiro, nokuti avo vose vakaisa vachitora pazvizhinji zvavo; asi iye wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo.”
Mako 12:41-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti Jesu agara pasi akatarisana nenzvimbo yaichengeterwa upfumi hweTemberi. Akaongorora uzhinji hwavanhu hwaikanda mari maichengeterwa upfumi hweTemberi. Vapfumi vazhinji vakakanda mari zhinji. Pakazosvikawo imwe chirikadzi, murombo, yakakandawo tumari tuduku tuviri twekopa twaisvitsa sendi. Jesu akadaidza vadzidzi vake ndokuti kwavari, “Zviro kwazvo ndinokuudzai kuti chirikadzi iyi murombo, yaisa, munochengeterwa upfumi hweTemberi zvinopfuura zvakandwa navamwe vose, nokuti ivo vose vaisa zvabva mune zvakawanda zvavanazvo. Asi iyo nourombo hwayo yaisa zvose zvinoiraramisa.”
Mako 12:41-44 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakaŋga agere akatarisana neciʋigiro cemari, akatarira ʋanhu ʋazhinji ʋaciisa mari muciʋigiro; ʋafumi ʋazhinji ʋakaŋga ʋaciisa ɀizhinji. Kukaȿika cirikadzi, waiʋa murombo, akaisa tumari tuʋiri tuɗuku tunoita fadini. Akaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Cirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa ɀizhinji kunaaʋo ʋose ʋakaisa muciʋigiro; nokuti aʋo ʋose ʋakaisa ʋacitora paɀizhinji ɀaʋo; asi iye wakaisa acitora pakushaiwa kwake, ɀose ɀaakaŋga anaɀo, ɀose ɀaaifanira kurarama naɀo.
Mako 12:41-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)