Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 5:30 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mako 5:30 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?”

Pakurirana nevamwe
Mako 5 BDSC

Mako 5:30 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Pakarepo Jesu akati achiziva mukati make kuti simba rakabuda kwaari, akatendeuka pakati pavanhu vazhinji, akati, “Ndianiko abata nguo dzangu?”

Pakurirana nevamwe
Mako 5 SNA2002

Mako 5:30 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Pakarepo Jesu wakati aciziʋa mukati make kuti simba rakaɓuɗa kwaari, akatendeʋuka pakati paʋanhu ʋazhinji, akati: Ndianiko waɓata ŋguʋo dzaŋgu?

Pakurirana nevamwe
Mako 5 SUB1949

Mako 5:30 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Pakarepowo Jesu akabva aziva nechomumwoyo kuti simba rabuda maari; akatendeukira mukati megurusvusvu ravanhu achiti, “Ndiani abata hanzu yangu?”

Pakurirana nevamwe
Mako 5 SCLB

Mako 5:30 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Pakarepowo Jesu akabva aziva nechomumwoyo kuti simba rabuda maari; akatendeukira mukati megurusvusvu ravanhu achiti, “Ndiani abata hanzu yangu?”

Pakurirana nevamwe
Mako 5 SCLBD