Mako 6:41-43
Mako 6:41-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri uye akatarisa kudenga, akavonga akamedura chingwa. Ipapo akazvipa kuvadzidzi vake kuti vazvigadzike pamberi pavanhu. Akagoverawo hove mbiri dziya pakati pavo vose. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga zvimedu zvezvingwa nehove zvikazara matengu gumi namaviri.
Mako 6:41-43 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa vadzidzi vake, kuti vazviise pamberi pavo; nehove mbiri akadzigovera vose. Vakadya vose, vakaguta. Vakaunganidza zvimedu nezvehovewo, matengu ane gumi namaviri akazadzwa.
Mako 6:41-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga ndokukomborera akamedura zvingwa zviya ozvipa kuvadzidzi kuti vape vanhu. Akavagoverawo vose hove dziya mbiri. Vose vakadya; vakaguta. Vakaunganidza zvimedu zvakasara zvezvingwa nezvehove zvikazadza matengu gumi namaviri.
Mako 6:41-43 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino akatora ɀiŋgwa ɀishanu nehoʋe mbiri, akatarira kuɗeŋga, akaʋoŋga, akameɗura ɀiŋgwa, akapa ʋadzidzi ʋake, kuti ʋaɀiise pamberi paʋo; nehoʋe mbiri akadzigoʋera ʋose. Ʋakadya ʋose, ʋakaguta. Ʋakaʋuŋganidza ɀimeɗu, mateŋgu anegumi namaʋiri akazadzwa, neɀehoʋe ʋo.
Mako 6:41-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)