Nehemia 2:17-18
Nehemia 2:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndopandakazovataurira kuti murikungoonawo dambudziko ratinaro rokuti Jerusaremu rangova dongo kudai, Misuo yaro mikuru yakapiswa. Uyai tivakire Jerusaremu rusvingo tirege kunge ticharamba tiri vanhu vakafumuka. Ndakavataurira nezveruoko rwaMwari wangu rwaiva pandiri kuti zvindifambire zvakanaka namazwiwo andakataurirwa namambo. Ivo vakati, “Ngatisimukei tivake.” Vakagwinyisa maoko avo kuita basa rakanaka.
Nehemia 2:17-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo ndakati kwavari, “Muri kuona dambudziko ratinaro here: Jerusarema rava dongo, uye masuo aro akapiswa nomoto. Uyai, ngativakeizve rusvingo rweJerusarema, kuti tisazonyadziswazve.” Ndakavaudza pamusoro poruoko rwenyasha rwaMwari wangu rwaiva pamusoro pangu uye zvakanga zvataurwa namambo kwandiri. Ivo vakati, “Ngatitangei kuvaka.” Saka vakatanga basa rakanaka iri.
Nehemia 2:17-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakati kwavari, “Munoona nhamo yedu, kuti Jerusaremu rava dongo, namasuo aro atsva nomoto; hendei tindovakazve rusvingo rweJerusaremu, tirege kugara tichishorwa.” Ndikavaudza zvokunaka kworuoko rwaMwari rwakanga ruri pamusoro pangu; namashoko amambo aakandiudza. Ivo vakati, “Ngatisimuke, tivake.” Naizvozvo vakasimbisa maoko avo kubata basa rakanaka.
Nehemia 2:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndopandakazovataurira kuti murikungoonawo dambudziko ratinaro rokuti Jerusaremu rangova dongo kudai, Misuo yaro mikuru yakapiswa. Uyai tivakire Jerusaremu rusvingo tirege kunge ticharamba tiri vanhu vakafumuka. Ndakavataurira nezveruoko rwaMwari wangu rwaiva pandiri kuti zvindifambire zvakanaka namazwiwo andakataurirwa namambo. Ivo vakati, “Ngatisimukei tivake.” Vakagwinyisa maoko avo kuita basa rakanaka.
Nehemia 2:17-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakati kwaʋari: Munoʋona nhamo yeɗu, kuti Jerusarema raʋa ɗoŋgo, namasuʋo aro atȿa nomŋoto; hendei tindoʋaka ɀe ruȿiŋgo rweJerusarema, tirege kugara ticishoʋorwa. Ndikaʋaʋudza ɀokunaka kworuʋoko rwaMŋari rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu; namashoko amambo aakandiʋudza. Iʋo ʋakati: Ŋgatisimuke, tiʋake. Naiɀoɀo ʋakasimbisa maʋoko aʋo kuɓate‐ɓasa rakanaka.