Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 24:17-18 - Compare All Versions

Zvirevo 24:17-18 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Usafara kana muvengi wako achiwa; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara, kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 24 BDSC

Zvirevo 24:17-18 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Usafarisisa kana muvengi wako achiwa; Kana achiwisirwa pasi, mwoyo wako ngaurege kufara. Kuti Jehovha arege kuzviona, zvisamufadza, Akazodzora kutsamwa kwake kwaari.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 24 SNA2002

Zvirevo 24:17-18 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Usati Tsvatuwaro kana muvengi wako awira munhamo mwoyo wako ngaurege kufara kana adzadzarika. Tenzi angadaro akazviona akatsamwa nazvo akadzora hasha dzake kwaari.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 24 SCLBD

Zvirevo 24:17-18 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Usafarisisa kana muʋeŋgi wako aciwa; Kana aciwisirwa pasi mŋoyo wako ŋgaurege kufara. Kuti Jehova arege kuɀiʋona, ɀikasamufadza, Akazodzora kutsamŋa kwake kwaari.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 24 SUB1949

Zvirevo 24:17-18 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Usati Tsvatuwaro kana muvengi wako awira munhamo mwoyo wako ngaurege kufara kana adzadzarika. Tenzi angadaro akazviona akatsamwa nazvo akadzora hasha dzake kwaari.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 24 SCLB