Zvakazarurwa 10:9-10
Zvakazarurwa 10:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka ndakaenda kumutumwa ndikamukumbira kuti andipe bhuku duku rakapetwa. Akati kwandiri, “Tora uridye. Richavavisa dumbu rako, asi mumuromo mako richatapira souchi.” Ndakatora bhuku duku rakapetwa kubva muruoko rwomutumwa ndikaridya. Raitapira sokutapira kunoita uchi mumukanwa mangu, asi ndakati ndaridya, mudumbu mangu makavava.
Zvakazarurwa 10:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndikaenda kumutumwa, ndikati kwaari, “Ndipei bhuku duku.” Iye akati kwandiri, “Tora, uridye, richavavisa mudumbu mako, asi mumuromo mako richanaka souchi.” Ipapo ndakatora bhuku duku muruoko rwomutumwa, ndikaridya; rikanaka mumuromo mangu souchi; asi ndakati ndaridya, mudumbu mangu mukavaviswa.
Zvakazarurwa 10:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino ndakaenda kumutumwa ndikamuti andipe kabhuku kaya kokumononora. Iye akanditi, “Tora ukadye. Kachavava munhumbu mako, asi iko kachitapira souchi mukanwa mako.” Ndakatora kabhuku kaya mumaoko omutumwa uya ndikakadya. Kaitapira souchi mukanwa mangu, asi pandakanga ndakadya, mudumbu mangu makaita chirungurira.
Zvakazarurwa 10:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndikaenda kumutumŋa, ndikati kwaari: Ndipei buku ɗuku. Iye akati kwandiri: Tora, uidye; icaʋaʋisa muɗumbu mako, asi mumuromo mako icanaka soʋuci. Ipapo ndakatora buku ɗuku muruʋoko rwomutumŋa, ndikaidya; ikanaka mumuromo maŋgu soʋuci; asi ndakati ndaidya, muɗumbu maŋgu mukaʋaʋiswa.
Zvakazarurwa 10:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)