Zvakazarurwa 12:5-6
Zvakazarurwa 12:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akazvara mwanakomana, munhurume, achazotonga ndudzi dzose netsvimbo yesimbi. Uye mwana wake akatorwa akaendeswa kuna Mwari nokuchigaro chake choushe. Mukadzi akatizira kugwenga kunzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari, kwaaizochengetwa kwamazuva chiuru namazana maviri namakumi matanhatu.
Zvakazarurwa 12:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akazvara mwana womukomana, anozofudza marudzi ose netsvimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kuna Mwari, nokuchigaro chake choushe. Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nzvimbo naMwari, kuti vamuchengetepo mazuva ane chiuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.
Zvakazarurwa 12:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akasununguka mwana mukomana aizotonga marudzi ose avanhu netsvimbo yesimbi. Mwana akabva anzi hwetu kuendwa naye kuna Mwari nokuchigaro chake choumambo. Mudzimaiwo ndokuti ware kutizira kurenje kune nzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari maaizoriritirwa kwamazuva ane chiuru namazana maviri namakumi matanhatu.
Zvakazarurwa 12:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akaɀara mŋana womukomana, unozofudza marudzi ose netȿimbo yeɗare; mŋana wake ndokutorwa kunaMŋari, nokucigaro cake coʋushe. Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nɀimbo naMŋari, kuti ʋamuceŋgete’po mazuʋa anecuru cinamazana maʋiri namakumi matanhatu.
Zvakazarurwa 12:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)