Zvakazarurwa 6:12-13
Zvakazarurwa 6:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakatarira paaizarura chisimbiso chechitanhatu. Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru. Zuva rakasviba rikaita senguo dzamasaga dzakaitwa namakushe embudzi, mwedzi wose ukashanduka ukatsvuka seropa, uye nyeredzi dzomudenga dzakawira panyika, samaonde eshure azuka kubva mumuonde paunenge wazungunuswa nemhepo ine simba.
Zvakazarurwa 6:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakaona pakazarura kwake chisimbiso chechitanhatu, kwakanga kunokudengenyika kwenyika kukuru, zuva rakasviba segudza remvere, mwedzi wose ukaita seropa; nenyeredzi dzedenga dzikawira pasi, somuonde unozuza maganga awo, kana uchizununguswa nomututu mukuru.
Zvakazarurwa 6:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hwayana iya payakakwatanura namo yechitanhatu ndakaona kundengendeka kukuru. Zuva rakasvipa sesaga, mwedzi wejenaguru wakatsvuka ropa. Nyenyedzi dzedenga dzakakuhumukira pasi pano sokudonhedza kunoita muonde muchero wawo wapachando kana wavhuvhutwa nedutu remhepo.
Zvakazarurwa 6:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakaʋona pakuzarura kwake cisimbiso cecitanhatu, kwakaŋga kunokuɗeŋgenyika kwenyika kukuru, zuʋa rikaȿiɓa segudza remvere, mŋedzi wose ukaita seropa; nenyeredzi dzeɗeŋga dzikawira pasi, somuʋonde unozuza magaŋga awo, kana ucizunuŋguswa nomututu mukuru.
Zvakazarurwa 6:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)