Ɀakazarurwa 6
6
Ɀisimbiso ɀitanhatu ɀokutaŋga ɀinozarurwa.
1Ɀino ndakaʋona Gwaiana ricizarura cimŋe ceɀisimbiso ɀinomŋe, ndikanzwa cimŋe ceɀisikwa ɀipenyu ɀinna ciciti nenzwi romutinhiro: Ʋuya! 2Ndikatarira, ndikaʋona biza jena, naiye wakaŋga akaritaȿa, wakaŋga anoʋuta; akapiwa korona, akaɓuɗa acikunda, ʋuye kuti akunde.
3Wakati azarura cisimbiso cecipiri, ndikanzwa cisikwa cipenyu cecipiri ciciti: Ʋuya! 4Ipapo rimŋe biza rakaɓuɗa riri dɀuku; wakaŋga akaritaȿa akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti ʋaʋurayane; akapiwa munondo mukuru.
5Wakati azarura cisimbiso cecitatu, ndikanzwa cisikwa cipenyu cecitatu ciciti: Ʋuya! Ndikatarira, ndikaʋona biza ɗema; wakaŋga akaritaȿa wakaŋga aneciyereso muruʋoko rwake. 6Ndikanzwa inzwi pakati peɀisikwa ɀipenyu ɀinna, riciti: Ciyero#6:6 Ɀiyero ɀinna ɀinoita garoni rimŋe. ceɀiyo cicateŋgwa nedenari#6:6 Mari ineŋge sisipenzi netiki., neɀiyero#6:6 Ɀiyero ɀinna ɀinoita garoni rimŋe. ɀitatu ɀebari nedenari#6:6 Mari ineŋge sisipenzi netiki.; usatadzira mafuta newaini.
7Wakati azarura cisimbiso cecinna, ndikanzwa inzwi recisikwa cipenyu cecinna riciti: Ʋuya! 8Ndikatarira, ndikaʋona biza rakacenuruka; wakaŋga akaritaȿa, zita rake Rufu; ʋuye Hadesi rakamuteʋera. Iʋo ʋakapiwa simba pamsoro pececinna cenyika, kuti ʋaʋuraye nomunondo, nenzara, norufu, neɀikara ɀenyika.
9Wakati azarura cisimbiso cecishanu, ndikaʋona panyasi peartari mŋeya yaʋanhu ʋakaŋga ʋaʋurawa nokuɗa kweshoko raMŋari, nokupupura kwaʋo kwaʋakapupura; 10ʋakaɗana nenzwi guru ʋaciti: Tenzi mutȿene waɀokwaɗi, mucarega kutoŋga ʋanogara panyika nokuʋatsiʋa ropa reɗu kuȿikira riniko? 11Ipapo mumŋe nomumŋe waʋo wakapiwa ŋguʋo cena; ʋakaʋudzwa kuti ʋambozorora ciŋguʋa ciɗuku, kuȿikira ʋamŋe ʋaranda pamŋe cete naʋo nehama dzaʋo, dzaifanira kuʋurawa saiʋo, ʋariŋganiswa ʋose.
12Ɀino ndakaʋona pakuzarura kwake cisimbiso cecitanhatu, kwakaŋga kunokuɗeŋgenyika kwenyika kukuru, zuʋa rikaȿiɓa segudza remvere, mŋedzi wose ukaita seropa; 13nenyeredzi dzeɗeŋga dzikawira pasi, somuʋonde unozuza magaŋga awo, kana ucizunuŋguswa nomututu mukuru. 14Ƌeŋga rikabva sebuku, kana icipetwa; namakomo ose neɀiwi ɀose ɀakabviswa panɀimbo dzaɀo. 15Namadzimambo enyika, naʋakuru, naʋatuŋgamiriri ʋehondo, naʋafumi, naʋanesimba, naʋaranda ʋose, naʋakasunuŋguka ʋose, ʋakandoʋanda mumapako nomumabge amakomo; 16ʋakati kumakomo nokumabge: Tiwirei, mutiʋige pameso aiye unogara pacigaro coʋushe, napakutsamŋa kweGwaiana; 17nokuti zuʋa guru rokutsamŋa kwaʋo raȿika; ndianiko unogona kumira?
Zvasarudzwa nguva ino
Ɀakazarurwa 6: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018