Ɀakazarurwa 5
5
Gwaiana rinozarura buku.
1Ɀino ndakaʋona muruʋoko rworudyi rwaiye wakaŋga agere pacigaro coʋushe buku yakanyorwa mukati nokunze kwayo, yakanamatidzwa neɀisimbiso ɀinomŋe. 2Ipapo ndakaʋona mutumŋa, unesimba, aciɗanidzira nenzwi guru, aciti: Ndianiko wakafanira kuti azarure buku iyi, nokusunuŋgura ɀisimbiso ɀayo? 3Asi kwakaŋga kusinomunhu kuɗeŋga napanyika, kana napasi penyika, wakagona kuzarura buku iyo, kana kutarira mairi. 4Ipapo ndakacema ɀikuru, ɀakusina‐kuwanikwa munhu, wakafanira kuti azarure buku, kana kutarira mairi. 5Ɀino mumŋe waƲakuru akati kwandiri; Usacema hako, tarira, shumba yorudzi rwaJuda, Mudzi waDavidi, yakakunda kuti izarure buku neɀisimbiso ɀayo ɀinomŋe. 6Ɀino ndakaʋona pakati pecigaro coʋushe neɀisikwa ɀipenyu ɀinna, napakati paƲakuru, Gwaiana rimire, rakaita serakaɓayiwa, rinenyaŋga nomŋe nameso manomŋe, iri Mŋeya minomŋe yaMŋari, yakatumŋa kunyika yose. 7Iro rikaʋuya, rikatora buku muruʋoko rworudyi rwaiye wakaŋga agere pacigaro coʋushe. 8Ɀino rakati ratora buku, ɀisikwa ɀipenyu ɀinna naƲakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna ʋakawira pasi pamberi peGwaiana, mumŋe nomumŋe anoruɗimbga, nendiro dzendarama, dzakaŋga dzizere neɀinonhuwira, iri minyeŋgetero yaʋatȿene. 9Ʋakaimba rwiyo rutȿa, ʋaciti: Ndimi makafanira kuti mutore buku nokuzarura ɀisimbiso ɀayo; nokuti makaɓayiwa, mukateŋgera Mŋari neropa renyu ʋanhu ʋanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, naʋanhu ʋose, nendudzi dzose; 10mukaʋaitira Mŋari weɗu, kuti ʋaʋe ʋushe naʋaprista, ʋaɓate ʋushe panyika. 11Ɀino ndakaʋona, ndikanzwa inzwi raʋatumŋa ʋazhinji ʋakaŋga ʋakakomberedza cigaro coʋushe neɀisikwa ɀipenyu, naƲakuru — kuwanda kwaʋo kwakaŋga kuri ɀuru ɀeɀuru neɀuru ɀamazana — 12ʋaciti nenzwi guru: Gwaiana rakaɓayiwa rakafanira kuti riʋigirwe ʋushe, nefuma, nokucenjera, nesimba, nokukudzwa, nokubginya, nokurumbidzwa. 13Ndikanzwa ɀisikwa ɀipenyu ɀose ɀiri kuɗeŋga, napanyika, neɀiri pasi penyika, napaguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo, ɀiciti: Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubginya, nesimba ŋgaɀiʋe kunaiye ugere pamsoro pecigaro coʋushe, nokuGwaiana nokusiŋgaperi‐peri. 14Ipapo ɀisikwa ɀipenyu ɀinna ɀakati: Ameni. Ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna ʋo ʋakawira pasi, ʋakanamata.
Zvasarudzwa nguva ino
Ɀakazarurwa 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018