Zvakazarurwa 6:5-6
Zvakazarurwa 6:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Gwayana rakati razarura chisimbiso chechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya!” Ndakatarira, uye pamberi pangu ipapo pakanga pane bhiza dema! Mutasvi waro akanga akabata zviyero zviviri muruoko rwake. Ipapo ndakanzwa kurira kwainge inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti, “Chiyero chegorosi ndicho mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye zviyero zvitatu zvebhari ndizvo mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye musakanganisa mafuta newaini!”
Zvakazarurwa 6:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati azarura chisimbiso chechitatu, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya!” Ndikatarira, ndikaona bhiza dema; akanga akaritasva akanga ane chiyereso muruoko rwake. Ndikanzwa izwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina, richiti, “Chiyero chezviyo chichatengwa nedhenari, nezviyero zvitatu zvebhari nedhenari; usatadzira mafuta newaini.”
Zvakazarurwa 6:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakakwatanura namo yechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya.” Ndakatarisa onei bhiza dema mutasvi waro aine chikero muchanza. Ndakazonzwa chimwe chainge izwi pakati pezvisikwa zvipenyu zviya chichiti, “Rita yekoroni ndiwo muripo uchapiwa munhu pazuva marita matatu ebhari ndiwo muripo uchapiwa munhu pazuva asi mafuta newaini usazvibate–bate.”
Zvakazarurwa 6:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakati azarura cisimbiso cecitatu, ndikanzwa cisikwa cipenyu cecitatu ciciti: Ʋuya! Ndikatarira, ndikaʋona biza ɗema; wakaŋga akaritaȿa wakaŋga aneciyereso muruʋoko rwake. Ndikanzwa inzwi pakati peɀisikwa ɀipenyu ɀinna, riciti: Ciyero ceɀiyo cicateŋgwa nedenari, neɀiyero ɀitatu ɀebari nedenari; usatadzira mafuta newaini.
Zvakazarurwa 6:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)