Zvakazarurwa 6:8
Zvakazarurwa 6:8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza rakanga rakacheneruka! Mutasvi waro ainzi Rufu, uye Hadhesi rakanga richimutevera riri pedyo mumashure make. Vakanga vapiwa simba pamusoro pechikamu chechina chenyika kuti vauraye nomunondo, nenzara nedenda, uye nezvikara zvenyika.
Zvakazarurwa 6:8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndikatarira, ndikaona bhiza rakachenuruka; akanga akaritasva, zita rake Rufu; uye Hadhesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vauraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.
Zvakazarurwa 6:8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakatarisa, onei bhiza rakabhuruvara, zita romutasvi waro rainzi Rufu Nzvimboyorufu ichimutevera mushure. Chikamu chenyika chechina chakaiswa mumaoko avo kuti vauraye vanhu nehondo yebakatwa nenzara nedenda nezvikara zvapasi.
Zvakazarurwa 6:8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndikatarira, ndikaʋona biza rakacenuruka; wakaŋga akaritaȿa, zita rake Rufu; ʋuye Hadesi rakamuteʋera. Iʋo ʋakapiwa simba pamsoro pececinna cenyika, kuti ʋaʋuraye nomunondo, nenzara, norufu, neɀikara ɀenyika.
Zvakazarurwa 6:8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)