Zvakazarurwa 8:12
Zvakazarurwa 8:12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mutumwa wechina akaridza hwamanda yake, uye chikamu chimwe chete muzvitatu chezuva chikarohwa, chikamu chimwe chete muzvitatu chomwedzi, nechikamu chimwe chete muzvitatu chenyeredzi, zvokuti chikamu chimwe chete muzvitatu chazvo chakashanduka chikasviba. Chikamu chimwe chete muzvitatu chezuva iro chakanga chisina chiedza, uyewo nechikamu chimwe chete muzvitatu chousiku uhwo.
Zvakazarurwa 8:12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mutumwa wechina akaridza, chetatu chezuva chikarohwa, nechetatu chomwedzi, nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chamasikati chirege kuvhenekera, nousiku saizvozvo.
Zvakazarurwa 8:12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mutumwa wechina akaridzawo bhosvo rake chikamu chechitatu chezuva chakarohwa nechikamu chechitatu chemwedzi nechikamu chechitatu chenyenyedzi zvokuti chikamu chechitatu chechiedza chazvo chakaitwa rima. Chikamu chechitatu chamasikati chakarega kuvheneka, ndizvozvo nechikamu chechitatu chousiku.
Zvakazarurwa 8:12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mutumŋa wecinna wakaridza, cetatu cezuʋa cikarobga, necetatu comŋedzi, necetatu cenyeredzi, kuti cetatu caɀo ciȿiɓiswe, ʋuye kuti cetatu camasikati cirege kuvenekera, noʋusiku saiɀoɀo.
Zvakazarurwa 8:12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)