Zvakazarurwa 8:13
Zvakazarurwa 8:13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pandakatarira, ndakanzwa gondo rakanga richibhururuka pakati pomuchadenga richirira nenzwi guru richiti, “Nhamo! Nhamo! Nhamo kuna vanogara panyika, nokuda kwehwamanda dzava kuda kuzoridzwa navamwe vatumwa vatatu!”
Zvakazarurwa 8:13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo ndakatarira, ndikanzwa gondo rimwe richibhururuka pakati pedenga, richiti nezwi guru, “Nhamo, nhamo, nhamo, kuna vanogara panyika, nokuda kwamazwi mamwe ehwamanda avatumwa vatatu vachazoridza.”
Zvakazarurwa 8:13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndopandakatarisa, onei gondo richichema nezwi guru paraibhururuka mudenga richiti, “Heyo nhamo, heyo nhamo heyo nhamo iyo kune vagere panyika pacharidzwa mamwe mabhosvo anofanira kuridzwa navamwe vatumwa vatatu.”
Zvakazarurwa 8:13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ndakatarira, ndikanzwa gondo rimŋe ricibururuka pakati peɗeŋga, riciti nenzwi guru: Nhamo, nhamo, nhamo, kunaʋanogara panyika, nokuɗa kwamanzwi mamŋe ehwamanda aʋatumŋa ʋatatu ʋacazoridza.
Zvakazarurwa 8:13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)