VaRoma 2:3-4
VaRoma 2:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iwe munhu, unotonga vamwe vanoita zvinhu zvakadai, iwe uchizviitawo, ko unoti ungatiza kutonga kwaMwari here? Unozvidza kanhi pfuma younyoro hwake, nomwoyo wake munyoro, nomwoyo wake murefu, usingazivi here kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka?
VaRoma 2:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka kana iwe munhuwo zvake uchitonga vamwe asi uchiita zvinhu zvimwe chetezvo, unofunga kuti ungapunyuka kutonga kwaMwari here? Kana kuti unozvidza pfuma younyoro hwake, mwoyo munyoro wake, nomwoyo murefu wake, usingazivi kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka?
VaRoma 2:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nhaiwe, munhuwo zvako kudai, unofunga here kuti uchapunyuka kutongerwa mhosva naMwari kana iwe uchitongera vamwe mhosva vanoita zvakadaro asi iwe pachako uchizviitawo? Kana kuti wavakungoti Mwari zvaakazara nomwoyochena nokuregerera nomwoyo murefu, ndizvozvo? Hauzivi here kuti mwoyochena waMwari unenge uchiitirwa kuti iwe upinduke?
VaRoma 2:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iwe munhu, unotoŋga ʋamŋe ʋanoita ɀinhu ɀakaɗai, iwe uciɀiita ʋo, ko unoti uŋgatiza kutoŋga kwaMŋari here? Unoɀidza kanhi fuma yoʋunyoro bgake, nomŋoyo wake munyoro, nomŋoyo wake murefu, usiŋgaziʋi here kuti ʋunyoro bgaMŋari bgunokuisa pakutendeʋuka?
VaRoma 2:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)