VaRoma 4:20-21
VaRoma 4:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akatarira cipikirwa caMŋari, haanakunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mŋari, aciziʋa kwaɀo, kuti ico caakapikira, wakaŋga anesimba rokuciita ʋo.
VaRoma 4:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Hapana kusavimba naMwari kwakamboita kuti vakahadzike nezvechitsidzo chaMwari asi vakasimbiswa muchitendero chavo, vakapa mbiri kuna Mwari. Vainyatsoziva kuti Mwari anogona kuita zvaakatsidza.
VaRoma 4:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi haana kukahadzika nokuda kwokusatenda pamusoro pechipikirwa chaMwari, asi akasimbiswa mukutenda kwake uye akakudza Mwari, achinyatsogutsikana kuti Mwari ane simba rokuita zvaakanga avimbisa.
VaRoma 4:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi akasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari, achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, akanga ane simba rokuchiitawo.
VaRoma 4:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hapana kusavimba naMwari kwakamboita kuti vakahadzike nezvechitsidzo chaMwari asi vakasimbiswa muchitendero chavo, vakapa mbiri kuna Mwari. Vainyatsoziva kuti Mwari anogona kuita zvaakatsidza.