Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 7:13 - Enzanisa Shanduro Dzose

VaRoma 7:13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ko, zvino chakanaka chakazova rufu kwandiri here? Kwete napaduku pose! Asi kuti chivi chionekwe sechivi, chakabereka rufu kubudikidza nechakanaka, kuitira kuti kubudikidza nomutemo chivi chive chakaipa kwazvo.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 7 BDSC

VaRoma 7:13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ko zvino zvakanaka zvakazova rufu kwandiri here? Haisva! Asi ndizvo zvivi, kuti zviratidzwe kuti zvivi, zvakandiitira rufu nezvakanaka; kuti nomutemo zvivi zvive zvakaipa kwazvokwazvo.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 7 SNA2002

VaRoma 7:13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ko ɀino ɀakanaka ɀakazoʋa rufu kwandiri here? Haiȿa! Asi ndiɀo ɀiʋi, kuti ɀiratidzwe kuti ɀiʋi, ɀakandiitira rufu neɀakanaka; kuti nomutemo ɀiʋi ɀiʋe ɀakaipa kwaɀo‐kwaɀo.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 7 SUB1949

VaRoma 7:13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ko zvino tingati icho chinhu chakanaka kudai chakaunza rufu kwandiri here? Handizvo kwete, asi kuti chitadzo ndicho chaikonzera rufu mandiri nomune chinhu chakanaka, kuti chitadzo chionekwe zvachiri kuti chitadzo. Uye chashandisa mutemo kudaro chichibva chanyatsobuda pachena kuti chakaipisisa.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 7 SCLB

VaRoma 7:13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

VaRoma 7 SCLBD