Tito 1:7-8
Tito 1:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sezvo mutariri akapiwa basa raMwari, anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, asingakurumidzi kutsamwa, asingadhakwi, asingarwi, asingafariri pfuma yakaipa. Asi anoitira vaeni rudo, munhu anoda zvakanaka, anozvidzora, akarurama, mutsvene uye anozvibata.
Tito 1:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, somuchengeti wemhuri yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri pfuma yakaipa; asi anoitira vaeni rudo, anoda zvakanaka, akachenjera, akarurama, mutsvene, anozvidzora
Tito 1:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mubhishopi somutariri wezvaMwari anofanira kuva munhu asina chaanopomerwa. Haafaniri kuva munhu ano mukundo kana chinya kana chiradza chedoro kana munhu wedzivo kana kuti anokarira pfuma. Asi anofanira kuva munhu anogamuchira vaenzi zvakanaka nomunhu anoda zvakanaka ane hunhu akamira pachokwadi, mutsvene anozvibata.
Tito 1:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti mutariri unofanira kuʋa munhu usina‐caaŋgapomerwa, somuceŋgeti weimba yaMŋari; asiŋgaiti kuɗa kwake, asiŋgakurumidzi kutsamŋa, asiŋgaɗi waini, asiŋgarwi, asiŋgakariri fuma yakaipa; asi unoitira ʋaeni ruɗo, unoɗa ɀakanaka, wakacenjera, wakarurama, mutsene, unoɀidzora
Tito 1:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)