Zekaria 3:7
Zekaria 3:7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Kana ukafamba nenzira dzangu uye ukachengeta mirayiro yangu, ipapo uchatonga imba yangu uye uchachengetawo mavazhe angu, uye ndichakupa nzvimbo pakati paava vakamira pano.
Zekaria 3:7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Kana ukafamba nenzira dzangu, kana ukachengeta zvandakakuraira, ipapo uchatonga imba yangu, uye uchachengetawo mavazhe angu, ini ndichakupa mapindire pakati pavamire pano.
Zekaria 3:7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Zvanzi naTENZI wehondo nehondo, kana ukatevedza nzira dzangu uchichengeta zvandakati uite uchatonga imba yangu uye nhandare dzangu dzichavawo mumaoko ako. Ndichakupawo mvumo yokupinda mukati mavanhu vamire pano.
Zekaria 3:7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova wehondo: Kana ukafamba nenzira dzaŋgu, kana ukaceŋgeta ɀandakakuraira, ipapo ucatoŋga imba yaŋgu, ʋuye ucaceŋgeta ʋo maʋazhe aŋgu, ini ndicakupa mapindire pakati paʋamire pano.
Zekaria 3:7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)