Chiwanikwa: Donzo redzidziso dzaKristuChikamu
MHINDURO KUNE KUSAENZWANISWA: Kurarama Semuenzaniso weRudo RwaMwari
Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti unopindura/kudaira sei mukusaenzaniswa.Jesu anoudza vadzidzi vake kuti vasatsiva kune vanhu vanokukanganisira. Jesu akati maKritsu anofanira kurarama semuenzaniso werudo nemoyo wakanaka kuvanhu.
Kupfurikidza nekuronda Nzira yeChiwanikwa inotevera unokwanisa kuwana rugwaro rwezuva ranhasi, kunzwa inzwi raMwari, nekukura pahukama naJesu.
Ziva Nyaya: Tanga nekuverenga rugwaro kamwechete. Tevera nenzwisiso yenyaya uchipindura mibvunzo wekutanga uri pasi. Ita zvimwezvo kupindura mubvunzo wepiri newetatu.
1. Ndevapi vatambi munyaya iyi?
2. Ndezvipi zvinoitwa nemutambi umwe neumwe?
3. Zvimwe zvaunoona zvakakosha munyaya iyi ndezvipi?
Nzwisisa Nyaya: Verenga nyaya pekare uchipindura mubvunzo wechina neweshanu. Kana zvirimo zvisina kujeka shandiso mawonero ako kuburitsa zvinodiwa maringe nechimiro chezvinhu uye sarudzo dzemutambi.
4. Mutambi umwe neumwe wainzwa sei?
5. Ndedzipi vavariro dzinosunda maitiro avo?
Chiwanikwa cheZvokwadi: Zvatava nenzwisiso yakajeka yenyaya, pane zvidzidzo zvechokwadi zvichabuda.
6. Nyaya iyi inotidzidzisa chii maererano nenzira kwadzo dzekufunga nezviito?
7. Nyaya iyi inotidzidzisa chii maererano nekuda Mwari uye kuda vamwe?
Zvekuita neChokwadi: Zvowoziva zviwanikwa zvakakosha izvi kubva munyaya, kumbira nemunamato utungamirirwe kupindura mibvunzo sere nepfumbamwe inotevera.
8. Sarudza chokwadi chimwe chete chanyanya kukukoshera muupenyu hwako pahuri?
9. Ndedzipi nzira dzinobatika dzaungashandisa chokwadi ichi muhupenyu hwako [Shanduko dzauchada kuita ndedzipi mumafungiro, maitiro, kana pahukama nevamwe]?
Tora chikamu chenguva nemunamato upe davidzo kuzvidzidzo zviri mundima iyi. Uzvipire kuteerera kuzvidzidzo zvawadzidza, nekukumbira nyasha dzekuita shoko iri pakurarama.
Usavanza chokwadi cheupenyu cheshoko raMwari chawawana. Aripo here umwe waungagoverana naye nyaya yemubhaibheri yawawana iyi? Tora kudenhwa ushambadze chiwanikwa ichi kumunhu umwe muvhiki ino
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Ko tingararama sei? Uyu mubvunzo wabvunzwa nevaKristu kwemazana emakore, zvekare uri umwe yeinopindurwa naJesu mudzidziso dzaanopa kuvadzidzi vake. Muchidzidzo chino, unotevera ndima gumi nenhatu dzakakosha matinowana mashoko aJesu kubva kunyaya dzerubhabhatidzo, wanano, kushushikana, zvekare dzevarume nemadzimai. Inzwa dzidziso dzaJesu maringe nezviga zviri panhongonya yechitendero chechikristu.
More
Tinoda kuonga Every Home For Christ pakupa chirongwa ichi. Kuti uwane mamwe mashoko, tapota shanyira: http://www.ehc.org/