Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Sarudzo Yakakurisisa yeHupenyu Hwako!Chikamu

Sarudzo Yakakurisisa yeHupenyu Hwako!

ZUVA 3 REMAZUVA 6

“Tose Tinofanirwa Kuve neMuponisi”


Mwari pavakasika Adhamu naEvha, vakavagadzira vasina chivi uye vaine hukama hwakakwana naye. Pavakarega kuteerera murayiro waMwari muchitsauko chetatu munaGenesisi, vakaunza chivi muhupenyu hwavo, uye kundudzi dzevanhu dzose. VaRoma 3:23 inotsanangura kusvika kure kwekubata kunesimba kwesarudzo yaAdhamu naEvha. 


“… nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari.” VaRoma 3:23

Hapana anonzvengwa nechivi nekutambudza kwacho; tose tine mhosva. Naizvozo, takaparadzaniswa kubva pana Mwari. Zvivi zvedu zvino konzeresazve miuyo isingagume. 


“Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu.” VaRoma3:23


Nemhaka yesarudzo yekurega kuteerera murayiro waMwari yaAdhamu naEvha, rufu rwakava rwusina punyuko kwavari nekudzinza ravo (ndudzi dzevanhu dzose); rufu rwemuviri zvose nemweya. Mumashure mekukundikana kwavo, Mwari vakatarisana nesarudzo: kurega chivi chichitekeshera murudzi rwemunhu, zvichipera nekuguma kwerudzi rwemunhu, kana kuti kugovera mutoo wekuponesa vanhu kubva mukubata kwechivi. Tinotenda nekuti kuratidzirwa kukuru kworudo nenyasha dzavo, Mwari vakagovera mutoo weruponiso kuburikidza neMwanakomana wavo. 


“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.” Johani 3:16


 “…chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. VaRoma 6:23b


Pasina Jesu Kirisito, mugumo wendudzi dzevanhu rufu rwenyama nemweya; hapana anosiyiwa. Asi kune avo vari muna Kirisito; kufa kwenyama kwakatimirira, asi kwete kufa kwemweya (gehena). Panzvimbo pezvo, hupenyu husingaperi hwakatimirira Kudenga kana tabva pasi pano. Kuburikidza nechibairo chakakwana muna Jesu Kirisito nekumuka kwake kubva kuvafi, mweya yedu inopunyuka murango wechivi!

Zuva 2Zuva 4

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Sarudzo Yakakurisisa yeHupenyu Hwako!

Sarudzo zhinji dzatinoita muhupenyu dzakakosha. Asi, pane sarudzo imwe chete yakakosha kudarika dzimwe dzose. Kana uri kutsvaga mufambiro uri nyore unokusvitsa pakunzwisisa kuzere kwesarudzo yakakoshesesa iyi - chipo chekuponeswa pamweya chatakapuhwa pasina muripo naMwari - chibva wangotangira ipo pano. Kubva mubhuku rinonzi “Out of this World: A Christian’s Guide to Growth and Purpose” rakanyora naDavid J. Swandt.

More

Tinoda kutenda Makumi maviri Kutenda, Inc nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: http://www.twenty20faith.org/yvdevtmp/#googtrans(sn)