Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuisa Chiedza KunyiaChikamu

Kuisa Chiedza Kunyia

ZUVA 2 REMAZUVA 3

Kuzviisa Panzvimbo

Kana gwezvero remakristu rikange rakavharidzirwa, zvinenge zvisina chirevo kunharaunda. Kureva kuti basa ratinaro semakristu rinonetsa kuti tiri fukidze. Nokudaro, umambo hwaMwari unofanira kunge uchionekwa pachena nevanhu. Imba yaMwari inofanira kuvakwa pakakwirira pegomo. Kana naivo vanhu vasingaverernge shoko raMwari vanofanira kuverenga upenyu hwevanhu vechitendero chaKristu.

Guta rakavakirwa pamusoro haringavanzwe. Vatendi vanofanira kuzviisa panzvimbo yakanaka, yakakwirira kuti chiedza chawo chivhenekere vose kwese kwese. Chokwadi ichi chinofananidzirwa nemashandiro anoita munyu pakurunga. Fananidzo iyi inodzidzisa kuti makristu anegwezvero yakasimba, ine runyararo pakushanda kwayo; pamusoro pazvo zvinoda kana mukristu akazviisa panzvimbo yakanakaine chekuita neumambo hwaMwari, uyo unorambidza kuzvivanza.

Ibasa redu vakristu kuona kuti hatisi kuvanza nekuvharidzira chiedza chedu here. Chiedza chakasikirwa kuti chivhenekere avo vakachipoteredza. Chinovhenekera pasina ruzha uye murunyararo. Nguva yazvino chechi iri kusangana nedambudziko rekuti vakristu vari kutadza kuoneka nekuzikanwa nekuda kwekushaiwa chinoratidza kuti ndevaKristu, kunyange vaine kutenda kukuru. Chikonzero ndechekuvanza chiedza chawo. Vanotya kutaura shoko raMwari kunyange vachiona kuti zvakafanira kuti vari taure.

Vadzidzi vaKristu vanofanira kutora matanho, vozviratidza kuvanhu kuti ivo vagoona mhinduro pamusoro penzira yechikristu.

Munamato: Mwari wedu vanotida,ndinouya pamberi penyu, ndichikutendai nesimba rechiedza riri munyika. Ruponeso rwenyu rwakasvika kumativi ose enyika. Tibatsirei kuti tigone kuzviratidza kunyika kuti ione chiedza chiri matiri. Ndinonamata muzita raJesu. Ameni.

Kuwerenganso: Isaya 2:2| Ruka 2:52| VaEfeso 5:8.

Rugwaro

Zuva 1Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Kuisa Chiedza Kunyia

Ruzhinji rwevanhu rwakagara mukusaziva nemuuipi, izvo zvinoratidza kuti pave nekuora kweraramo. Kunyange zvakadaro, nenyasha dzaMwari, Kristu vakatuma vadzidzi wake, kubudikidza neupenyu hwawo pamwechete nedzidziso kuti vagogadzirisa nyika, kuipa ruzivo pamwe nenyasha. Zvichakaaro, kana munhu atakura kutenda muna Kristo, achiramba achirarama upenyu usingaratidzi nyasha idzodzo, hakunazve imwe nzira ingaratidza kubatsira kwake. Tinofanira kuva nechinangwa chekusvika pakubwinya kunodiwa naMwari.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL