Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Murwi WechikristuChikamu

Murwi Wechikristu

ZUVA 2 REMAZUVA 3

Pfekai Nhumbi Dzokurwisa

Pauro akanga anyatsoongorora kupfeka kwemurwi wechiRoma. Akaona kukosha kwekuchengetedzwa kwemuvuri. Mutsara wekuti “nhumbi dzose”unotsanangura kukwana kwezvombo nezvekupfeka zveuto pakurwa, zvinosanganisa zvekurwisa nezvekuzvidziwirira. Muapositora anoda kuti isu tpedze nguva yedu mangwanani ega ega tiri muimba inogara zvombo, tichizvigadzirira kundorwa. Tikaita izvi, pfungwa dzedu nemafungiro edu zvinokwanisa kudzivirirwa.

Zuva rega rega tine sarudzo dzatinofanira kuita, vanhu vekushanda navo, tine basa rekuita nezvinetswa zvakasiyana siyana. Chimwe chikuru zvakare, tine miedzo yatinosangana nayo. Tinofanira kupfeka zvakakwana zuva rega rega tisati taita chimwe chinhu kana kusangana nevanhu.Chakanakira nhumbi dzaMwari dzekurwa nado ndechekuti dzinodzivirira pose pose pasina chinosara. Ngatisimukei tipfeke nhumbi idzi!

Chinangwa chekupfeka nhumbi dzaMwari ndechekuti tikwanise kumira pamano mano aSatani nekunyengera kwake. Satani wakanyengera nyika yose.Kubudikidza nekutyisisdzira kwaanoita munyika ino, makristu ave kudhonzerwa kure nechokwadi kuti vakwanise kufanana neshamwari dzisingatendi. Anotyisidzira kuti akwanise kunyengera neavo vasina mhosva. Kunyengera kwake kunopararira kuenda kumakristu aMwari achishandisa chero nzira. Kana munhu akasava nekuvhura meso pakuona kunyengera kwaSatani kuvanhu vakarurama, zvichamutadzisa kuti awe akangwarapakurwisana nezvakaipa zvenyika ino.

Munamato: Baba vari kudenga, tinonamata panguva ino yezuva tichikutendai nerudo rwenyu nesimba riri mushoko renyu. Shoko renyu rakatiyambira kuti tikwanise kuchenjera pamano mano aDhiyabhori. Tibatsirei kuti tipfeke nhumbi dzose dzekurwa nadzo kuti tigone kudzivisa kunyengera kwake. Muzita raJesu tinonamata, AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: Jakobo 1:13-15| 1 Pita 2: 11| 2 VaKorinde 2: 11.

Zuva 1Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Murwi Wechikristu

Satani anofara kana tichipomera vanhu kana mapoka avo pakukonzera kupesana pakati pehama. Iye haadi kuzikanwa kuitira kuti arambe achiita mabasa ake erima asingabatwi. Nzira dzaanoshandisa ndidzo dambudziko kuvanhu. Muchinyorwa ichi, tinoona pachena kuti hausi urongwa hwenyika chete unokonzera matambudziko, asi masimba emadhimoni. Nokudaro panoda kurwisa kukuru pahondo yemweya yakadai.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanyira: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL