Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga

VaEfeso 4:26 (BDSC)

“Mukutsamwa kwenyu, musatadza.” Musarega zuva richivira muchakangotsamwa,

Jakobho 1:19 (BDSC)

Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa,

Jakobho 1:20 (BDSC)

nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari.

VaEfeso 4:31 (BDSC)

Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose.

Zvirevo 19:11 (BDSC)

Uchenjeri hwomunhu hunomupa mwoyo murefu; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.

Mateo 5:22 (BDSC)

Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena.

Mapisarema 37:8 (BDSC)

Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa.

Zvirevo 14:29 (BDSC)

Munhu ane mwoyo murefu anonzwisisa, asi munhu anokurumidza kutsamwa anoratidza upenzi.

Zvirevo 15:1 (BDSC)

Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.

Muparidzi 7:9 (BDSC)

Usakurumidza kutsamwa pamweya wako nokuti kutsamwa kunogara muchipfuva chamapenzi.

Zvirevo 29:11 (BDSC)

Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anozvibata.

Zvirevo 16:32 (BDSC)

Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi, munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta.

Zvirevo 15:18 (BDSC)

Munhu ane hasha anomutsa bopoto, asi munhu ane mwoyo murefu anonyaradza kukakavara.

VaRoma 12:19 (BDSC)

Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe.

VaKorose 3:8 (BDSC)

Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu.

Hosea 14:4 (BDSC)

“Ndichaporesa kusateerera kwavo uye ndichangovada hangu, nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.

Hosea 5:10 (BDSC)

Vatungamiri vaJudha vakafanana neavo vanobvisa mabwe omuganhu. Ndichadurura hasha dzangu pavari samafashamu emvura.

Nahumi 1:6 (BDSC)

Ndiani angadzivisa hasha dzake? Ndiani angashingirire pahasha dzake dzinotyisa? Hasha dzake dzadururwa somoto; matombo apwanyika pamberi pake.

Mapisarema 124:5 (BDSC)

mvura zhinji ine hasha ingadai yakatirasira kure.

2 Makoronike 34:25 (BDSC)

Nokuti vakandisiya vakapisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari vakamutsa hasha dzangu nezvose zvakagadzirwa namaoko avo, hasha dzangu dzichadururirwa panzvimbo ino uye hadzizodzimurwi.’

Dhuteronomi 9:8 (BDSC)

PaHorebhi makamutsa hasha dzaJehovha zvokuti akatsamwa zvokuda kukuparadzai.

Mapisarema 88:16 (BDSC)

Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu; kutyisa kwenyu kwandiparadza.

Mapisarema 85:3 (BDSC)

Makaisa parutivi hasha dzenyu dzose, mukadzoka pakutsamwa kwenyu kunotyisa.

Mapisarema 69:24 (BDSC)

Dururirai hasha dzenyu pamusoro pavo; kutsamwa kwenyu kunotyisa ngakuvakurire.

Johani 6:18 (BDSC)

Mhepo ine simba yakanga ichivhuvhuta uye kukava namafungu ane hasha.