Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga

Johani 3:16 (BDSC)

“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.

VaRoma 5:8 (BDSC)

Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira.

1 VaKorinde 13:4 (BDSC)

Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi.

1 VaKorinde 13:5 (BDSC)

Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi.

1 VaKorinde 13:6 (BDSC)

Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira chokwadi.

1 VaKorinde 13:7 (BDSC)

Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose.

1 Johani 4:7 (BDSC)

Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari.

1 Johani 4:8 (BDSC)

Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.

1 Johani 4:9 (BDSC)

Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe woga munyika kuti tive noupenyu kubudikidza naye.

1 Johani 4:10 (BDSC)

Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu.

VaRoma 8:38 (BDSC)

Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo,

VaRoma 8:39 (BDSC)

kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.

VaRoma 13:10 (BDSC)

Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa. Naizvozvo rudo runozadzisa murayiro.

VaRoma 12:9 (BDSC)

Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka.

Mateo 24:12 (BDSC)

Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora.

VaHebheru 13:1 (BDSC)

Rambai mune rudo pakati penyu sehama.

Mapisarema 118:2 (BDSC)

Israeri ngaati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

1 Petro 4:9 (BDSC)

Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti.

VaRoma 12:13 (BDSC)

Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo.

2 VaKorinde 2:8 (BDSC)

Ndinokukurudzirai, naizvozvo, kuti mumutsiridze rudo rwenyu kwaari.

Hosea 2:4 (BDSC)

Handizoratidzi vana vavo rudo, nokuti vana voufeve.

Mapisarema 108:4 (BDSC)

Nokuti rudo rwenyu rukuru, kupfuura kudenga denga;

Mapisarema 118:3 (BDSC)

Imba yaAroni ngaiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

Zvirevo 27:5 (BDSC)

Kutsiurwa pachena kuri nani pane rudo rwakavanzika.

Mapisarema 92:2 (BDSC)

kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku,