Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga

1 VaKorinde 15:55 (BDSC)

“Kuripiko kukunda kwako iwe rufu? Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?”

Zvakazarurwa 20:14 (BDSC)

Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri.

1 VaKorinde 15:26 (BDSC)

Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.

Jeremia 43:11 (BDSC)

Achauya agorwisa Ijipiti, achivigira rufu kuna avo vakatongerwa rufu, kutapwa kuna vakatongerwa utapwa, nomunondo kuna avo vakatongerwa munondo.

Zvirevo 27:20 (BDSC)

Rufu nokuparadza hazvimboguti, kunyangewo maziso omunhu haaguti.

Zvirevo 12:28 (BDSC)

Munzira yokururama mune upenyu; kwainoenda hakuna rufu.

Mapisarema 116:15 (BDSC)

Chinhu chinokosha pamberi paJehovha ndirwo rufu rwavatsvene vake.

Mapisarema 102:20 (BDSC)

kuti anzwe kugomera kwavasungwa agosunungura avo vakatongerwa rufu.”

Johani 8:51 (BDSC)

Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.”

VaRoma 7:10 (BDSC)

Ndakaona kuti iwo mutemo waifanira kundipa upenyu, wakatozouyisa rufu.

Ezekieri 28:8 (BDSC)

Vachakuburutsira kugomba, uye uchafa rufu runorwadza pakati pomwoyo wamakungwa.

Zvirevo 8:36 (BDSC)

Asi ani naani asingandiwani anozvikuvadza; vose vanondivenga vanoda rufu.”

VaRoma 8:6 (BDSC)

Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;

VaHebheru 7:23 (BDSC)

Zvino kwakava navazhinji vavaprista, nokuti rufu rwakavatadzisa kupfuurira mberi paushumiri;

Dhuteronomi 30:15 (BDSC)

Tarira, ndaisa pamberi pako nhasi upenyu noupfumi, uye rufu nokuparadzwa.

Jobho 9:23 (BDSC)

Kana dambudziko rikauyisa rufu nokukurumidza, achaseka kushaya tariro kwavasina mhosva.

Zvirevo 15:11 (BDSC)

Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha, ko, kuzoti mwoyo yavanhu!

Zvirevo 21:25 (BDSC)

Kushuva kwesimbe kunova rufu rwake, nokuti maoko ake anoramba kushanda.

VaRoma 7:13 (BDSC)

Ko, zvino chakanaka chakazova rufu kwandiri here? Kwete napaduku pose! Asi kuti chivi chionekwe sechivi, chakabereka rufu kubudikidza nechakanaka, kuitira kuti kubudikidza nomutemo chivi chive chakaipa kwazvo.

Ruka 24:20 (BDSC)

Vaprista vakuru navatongi vedu vakamuendesa kuti andotongerwa rufu, saka vakamuroverera pamuchinjikwa;

Mapisarema 89:48 (BDSC)

Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu, kana angazviponesa pasimba reguva? Sera

Ruka 23:15 (BDSC)

Kunyange naHerodhi, nokuti amudzosa kwatiri; sezvamunoona, haana kuita chinhu chingafanira kutongerwa rufu.

Mabasa 28:18 (BDSC)

Vakandibvunzisisa uye vakada kundisunungura, nokuti ndakanga ndisina mhosva ipi zvayo yaikodzera rufu.

Mabasa 13:28 (BDSC)

Kunyange vasina kuwana hwaro chaihwo hwokuti atongerwe rufu, vakakumbira Pirato kuti amuuraye.

Zvakazarurwa 9:6 (BDSC)

Mumazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; vachashuva kufa asi kufa kuchavanzvenga.